Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Kubvumbi, 14, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mhuri yeZimbabwe yobatana muJohanesburg mukuonekana nemutumbi waVaElvis Nyathi vakapondwa nekupiswa muSouth Africa svondo rapera.

Dare ramejastiriti muHarare nhasi rapa mutongo wekuti Muzvare Mary Mubaiwa vabhadhare mari inosvika zviuru makumi matanhatu zvemadhora emunyika ZW$60, 000 pamhosva yekutyora mutemo wewanano yavakabatwa nayo vachinzi vaita kuita chikiribidi kuti vachate nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vasati vatanga kunetsana.

Tsvakurudzo ichangobva mukuitwa nesangano reZimbabwe Democracy Institute (ZDI) pamusoro pesarudzo dzemaby-election inoratidza kuti paikunda Zanu PF yaikunda pakuru uye paikunda bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) raikunda padiki. Tsvakurudzo iyi yakaratidzwawo kuti CCC yakaita zvakanaka musarudzo kudarika MDC Alliance.

Vatendi vechiKristu vofara kusangana kekutanga mumakore maviri munguva yakakosha muchitendero ichi yeEaster sezvo vange vambovhiringidzwa nechirwere cheCovid-19.

Vamwe vabereki kuMashonaland West votatarika kutoresa vana vavo magwaro ekuzvarwa kunyangwe hurumende iri kuti iri kurerutsa hurongwa uhu.

Muchirongwa chedu cheWomens Round Table chatinotarisa zvinosangana nemadzimai muhupenyu hwavo, nhasi tiri kutarisa kurudziro iri kupihwa nemasangano anorwira kodzero dzemadzimai kuti vanyorese kuvhota pamberi pesarudzo dza2023.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG