Accessibility links

Breaking News

SADC Inoti Yakwanisa Kudzikamisa Zvinhu kuMozambique muHondo neVanopfurikidza Mwero


Mauto eRwand ai kuCabo Delgado, Mozambique

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakabatana nevatungamiri venyika dziri muSADC Troika uye dzakatumira mauto kuMozambique kunorwisa vanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa ndivo vaive sachigaro pamusangano waiirirwa padandemutande uyu.

Mumashoko kuvatori venhau SADC yakati ichibatsirwa nemauto eRwanda yakwanisa kudzikamisa zvinhu mudunhu iri kunyangwe paine kurwisana pano neapo asi ikati yave kubatsira kuunza budiriro mudunhu iri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University kwaMutare Doctor Iris Shiripinda vaudza Studio 7 kuti vamwe vatungamiri venyika yemuSADC haisi kunyatsozvipira kupedza hondo yemuMozambique sezvo vachitia sekunge vanoona chouviri pazviri.

Hukurukuro naDoctor Iris Shiripinda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG