Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakabatana nevatungamiri venyika dziri muSADC Troika uye dzakatumira mauto kuMozambique kunorwisa vanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa ndivo vaive sachigaro pamusangano waiirirwa padandemutande uyu.
Mumashoko kuvatori venhau SADC yakati ichibatsirwa nemauto eRwanda yakwanisa kudzikamisa zvinhu mudunhu iri kunyangwe paine kurwisana pano neapo asi ikati yave kubatsira kuunza budiriro mudunhu iri.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University kwaMutare Doctor Iris Shiripinda vaudza Studio 7 kuti vamwe vatungamiri venyika yemuSADC haisi kunyatsozvipira kupedza hondo yemuMozambique sezvo vachitia sekunge vanoona chouviri pazviri.
Facebook Forum