Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoti Mitengo Yokwira neNyaya yeHondo yeRussia neUkraine


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti mitengo yezvinhu munyika yave kunyanya kukwira nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi kwezvinhu pasi rose kwakonzerwa nehondo iri kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

VaNcube vataura izvi papera musangano wedare remakurukota vachiti zviri kuitika hazvisi mumaoko .

Russia neUkraine dzinozivikanwa nekurimawo chibage negorosi zvinotengeswa pasi rose. Russia ine gas nemafuta ekufambisa dzimotokari. VaNcube varamba zviri kutaurwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi kuti kushaya simba kwedhora remunyika kuri kupawo kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru.

Asi munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congres of Trade Unions VaJaphet Moyo vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvakatanga kukwira kare hondo iyi isati yatanga.

Vatiwo vashandi vave nenguva vachinonga svosve nemuromo sezvo mihoro yavo isiri kuwedzerwa. VaMoyo vati kuwedzerwa kwemitengo yehupfu nechingwa zvichapa kuti vakawanda vaomerwe nehupenyu.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG