Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kushambadzira Zvakasimba Chirongwa Chekubaya Vakawanda Nhomba yeCovid-19 cheChipiri


Chirongwa chechipiri chekubaya vanhu vakawanda nhomba yeCovid-19 munharaunda dzavagere chiri kutarisirwa kutanga musi wa2 kusvika musi wa 15 Chivabvu.

Chirongwa chekutanga chakaitwa kubva musi wa 21 Kurume kusvika musi wa 3 Kubvumbi apo pakabayiwa vanhu vanodarika miriyoni imwe chete.

Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu makumi matatu nevatatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Hakunawo munhu akafa nechirwere ichi nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi vari zviuru zvishanu nemazana mana nemakumi mashanu nevanomwe kan kuti 5457.

Vanhu zviuru makumi mana nechimwe nemazana matanhatu nevatatu kana kuti 41 603 vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga nezuro.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana nhomba yeCovid-19 kekutanga panopera mwedzi wa Chikunguru.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti vanofara nemafambiro akaita chirongwa chekutanga chekubayiwa nhomba kwevanhu. Vakati vanotarisira kuti chechipiri chichabudirira kana hurumende ikachishambadzira zvakasimba.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG