Accessibility links

Breaking News

Zororo Phumulani Yobatsira Kuno Vigwa Kumusha kwaVaElvis Nyathi Vakapondwa kuSouth Africa, Hurumende Ichiti Inoda Nhaurirano


Mudzimai waVaElvis Nyathi ane jira jena
Mudzimai waVaElvis Nyathi ane jira jena

Mumwe ataura akamirira mhuri yechizvarwa cheZimbabwe chakapondwa muSouth Africa VaElvis Nyathi, VaMphathisi Ndlovu vanoti mutumbi wavo wave kutarisirwa kutakurwa kunoradzikwa kuZimbabwe nemusi weChina.

VaNdlovu vanoti kambani yeZororo Phumulani kana kuti Doves Crocker Morgans yakatenda kuvabatsira kutakura mutumbo asi vakati vachiri kudawo rumwe rubatsiro kuti VaNyathi varadzikwe zvine chiremerera. Vanotiwo vekumuzinda weZimbabwe muSouth Africa vavashanyira.

VaNyathi vakapondwa nematombo, tsvimbo nezvimwe vasati vapiswa nemoto nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zveSouth Africa muDiepsloot, Johannesburg svondo rapera. Zvizvarwa zveZimbabwe zvave kugara zvakabatira ura mumaoko nekutya kurwiswa nezvizvarwa zveSouth Africa zviri kuzvipomera mhosva dzekubaa uye kutora mabasa azvo.

KamMukuru mukufambiswa kwemabasa musangano rakazvimirira rinokurudzira kuyanana reSouthern African Liaison Office kana kuti SELO VaMnjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti mapuerisa emuSouth Africa haafanire kuregedza vanhuwo zvavo vachiita basa rinofanira kuitwa nemapurisa sezvo zvichikonzera kusagadzikana nekupondwa kwevanhu vasina mhosva.

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG