Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNhabvu cheHwahwa Chinoshamisa Makundano eCastle Lager PSL Mushure meKurova Chicken Inn, Iyo iri Pamusoro


Chikwata cheChicken Inn charohwa 3-0 neHwahwa mumutabo wePSL.
Chikwata cheChicken Inn charohwa 3-0 neHwahwa mumutabo wePSL.

Chikwata chiri pasi petafura cheHwahwa chaita zvishamiso nekurova Chicken Inn iyo iri kutungamira makundano enhabvu yepamusoro eCastle Lager PSL, asi Dynamos yatadza kushandisa mukana wekurohwa kweChicken Inn uku kuti iende pamusoro.

Ruzhinji rwunotevera mutambo wenhabvu rwashamisika nhasi masikati apo Hwahwa yarova Chicken Inn 3-0 ndokupa Dynamos mukana wekuenda pamusoro petafura yePSL.

Hapana anga achipa Hwahwa mukana wekukunda mumutambo uyu asi chikwata ichi changa chatove nezvibodzwa zviviri kwasara maminitsi makumi matatu kuti mutambo uyu upere.

Mutambo uyu ndewe chipiri chete Hwahwa ichikunda mwaka uno zvichitsinhira mashoko emuongorori wenhabvu VaLawrence Hwekwete ekuti nhabvu yashanduka.

Kurohwa kweChicken Inn kwanga kwapa Dynamos mukana wekuenda pamusoro petafura nekukunda Ngezi Platinum Stars asi izvi zvaramba.

Dynamos yaita mangange 0-0 neMadamburo Iyo isati yarova munhandare yeBaobab kubvira muna 2016.

Izvi zvave kureva kuti Chicken Inn neDynamos dzaenzana pamapoinzi makumi maviri nematatu asi Chicken Inn inotambira iri pamusoro nezvibodzwa.

FC Platinum iyo ine mukombe uyu iri kuenderera mberi nerwendo rwayo mushure mekurova Bulawayo City 2-0 munhandare yeLuveve kuBulawayo.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaTinashe Museti vanoti pakati peFC Platinum neNgezi ndipo pachabuda anotora mukombe mwaka uno.

Asi Triangle, iyo yanga iri pachinhanho chechitatu, yasangana nedambudziko muNational Sports Stadium umo yadamburwa 1-0 neHerentals.

Mune mumwe mutambo wenhabvu watambwa nhasi, Black Rhinos yarova ZPC Kariba 2-1.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Totarisa mutambo wehockey .

Chikwata cheZimbabwe chevanhukadzi chevechidiki chehockey nhasi charohwa 1-0 neAustria ndokubuda pazvikwata gumi zvichapedza zviri pamusoro mumakundano aya.

Uyu wave mutambo wechitatu Zimbabwe ichirohwa mushure mekukundwa neUSA, neNetherlands, zvichitevera kukundawo kwavakaita Canada 2-1 mumutambo wavo wekutanga.

Nhasi, Zimbabwe yaedza nepese painogona asi zvaramba ndokukandwa chibodzwa naCatherine Bower kwasara maminitsi mashanu chete kuti mutambo upere.

Zimbabwe yasarirwa nemutambo mumwechete uyo icharwira chinzvimbo chechigumi nechimwechete kana kupedza iri pachinhanho chegumi nembiri.

Makundano aya ane zvikwata gumi nezvitanhatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG