Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMashonaland West Vochema Kuti Vari Kurasikirwa neMombe Dzavo neKuda kweZvirwere Zvinokonzerwa neZvikwekwe


Vagari vekuMashonaland West vanoti vari kurasikirwa nemombe dzakawanda nezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.
Vagari vekuMashonaland West vanoti vari kurasikirwa nemombe dzakawanda nezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Vamwe vagari mudunhu reMashonaland West vanoti vari kurasikirwa zvikuru nemombe dzavo dziri kufa nezvirwere nekuda kwekushayikwa kwemushonga wekudhibhisa mombe idzi.

Vagari ava vanoti nguva dzakawanda mombe dzavo hadzidhibhe zvichinzi hakuna mishonga. Vanotiwo kunyange mombe dzavo dzikadhibha, zvikwekwe zvinoramba zviripo.

Mumwe mugari wekuMakonde, VaTichaona Madzonga, vanoti kunyange mombe dzavo dzikadhibha, zvikwekwe hazvisi kufa. Vanoti izvi zvinoreva kuti mushonga uri kuiswa mushoma kana kuti unenge usisashande.

Mumwe mugari wekwaZvimba, Amai Josephine Mutema, vanoti mombe dzavo dzakambofa nekuda kwekusadhibha sezvo hurumende yaiti haina mushonga.

Amai Mutema vanoti mushonga uri kuiswa mushure mekuwanikwa nehurumende hausi kuuraya zvikwekwe, uye havasi kuziva kuti mishonga inofanirwa kuiswa yakawanda zvakadii pamvura yakawanda sei.

Amai Mutema vanoti nguva dzakawanda vave kutopfapfaidza mushonga mombe dzavo vega sezvo nguva dzakawanda dhibha risiri kuuraya zvikwekwe.

Mumwe murimi, VaBaison Kachere, vanoti vakarasikirwa nemombe dzinosvika makumi maviri nesere. VaKachere vanoti nguva dzakawanda mombe dzavo hadzisi kudhibha zvakanaka mumakore maviri apfuura.

VaKachere vanoti varimi vanofanirwa kuisa misoro pamwe chete kuitira kuti vatenge mishonga yedhibhi sezvo iri kushaikwa kwenguva yakareba kunyange vari kubhadhara mutero wemombe.

Mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwakanaka kwezvipfuwo mudunhu reMashonaland West, Dr Thokozani Mswela, varamba kutaura nezvekuti imombe ngani dzakafa mudunhu gore rino nerakapera uye kuti sei mishonga yavanopa vadhibhisi ichinzi haisi kushanda vachiti vanotaura nevatori venhau vehurumende chete.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvekurima sezvo gurukota rezvekurima, Va Anxious Masuka, vanga vasingabatike panharembozha yavo.

Zimbabwe ine mushandira pamwe nesangano reEuropean Union iro rakaisa mari inoita mamiroyoni makumi mana emapaunzi muhomwe yeFood and Agriculture Organization yekurwisa zvikwekwe muZimbabwe pasi pechirongwa cheNational Tick-Borne Disease Control Strategy.

Chirongwa ichi chakatanga muna 2019, uye chaitarisirwa kupera mwedzi wapera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuEuropean Union kanawo kuhurumende kuti chirongwa ichi chava papi sezvo zvikwekwe zviri kuenderera mberi zvichinetsa munyika.

Mumwaka wekurima muna 2020, sangano reFood and Agriculture Organization rinoti Zimbabwe yakarasikirwa nemombe dzinodarika zviuru makumi mashanu kuburikidza nezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

NYAYA YEKUMARUWA INA NUNURAI JENA
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG