Dare reSenate remuAmerica rakavhota neChina richitambira mutongi wematare Amai Ketanji Brown Jackson semutongi wedare repamusorosoro, reSupreme Court, zvakaita kuti vave mutongi wechidzimai wechitema wekutanga kupinda mudare iri munhoroondo yeAmerica.
Muzvinafundo Chipo Dendere, vanove chizvarwa cheZimbabwe chinodzidzisa paWellesley College kuBoston, vanoti chiitiko ichi chinosimudzira vanhukadzi vechitema nevanasikana pasi rose uye chinofadza sezvo Amai Brown Jackson vakavhoterwa nebato ravo pamwe nevamwe vatatu vebato rinopikisa remaRepublicans.
Muzvinafundo Dendere vanoti zvizhinji zvingadzidzwe nenyika dzemuAfrica pachiitiko ichi kunyangwe hazvo dzimwe nyika pari zvino dzine madzimai ane mabasa epamusorosoro asi mune dzimwe nzvimbo vasiri kupihwa masimba anoenderana nezvigaro zvavanenge vapihwa.
"Zvakaitika izvi zvinokurudzira ruremekedzo rwemadzimai nevanasikana vechitema pasi rose sezvo basa iri richapa Amai Brown Jackson mukana wekunge vari pachigaro chepamusoro munyika chavakawana nehunyanzvi hwavo," Muzvinafundo Dendere vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.
Facebook Forum