Accessibility links

Breaking News

Vateveri veMutambo weRugby Votarisana neMachikichori Mukupera kweSvondo


Mutambo weRugby
Mutambo weRugby

Vateveri vemutambo werugby vatarisana nemachikichori emitambo panguva iyo munhabvu Dynamos iri munzira kuenda kumaruwa eMhondoro-Ngezi.

Zvikwata zviviri zvenyika zvemutambo werugby zvichange zviri munhandare mangwana kuedza kusimudza mureza wenyika mumitambo neve kune dzimwe nyika.

Chikwata cheZimbabwe, icho chiri kudaidzwa kunzi maGoshawks, chiri kupinda munhandare kusangana neDown Touch Griffons iyo iri kutungamira makwikwi ari kuitwa eCurrie Cup aya.

Chikwata ichi, icho chiri kutungamirwa naHilton Mudariki, chinofanira kukunda mumutambo uyu kuti chisanyanyosaririra mugungano remakundano aya mushure mekurohwa 34-10 neBlack Lion yekuGeorgia mumutambo wacho wekutanga.

Pamusoro paMudariki, murairidzi wemaGoshawks, Brendon Dawson achange achitarisira zvidavado kubva kuna Russel Dinha, Kyle Galloway, Darrel Makwasha, Godwin Mangenje, Gabriel Sipapate naTyran Fagan.

Mutambo neDown Touch Griffons uyu wauya zvekare panguva iyo chimwe chikwata cheZimbabwe chevatambi vanomwe chemaCheetahs chiri muHarare Sports Club mumakundano eZambezi Challenge neBotswana neZambia.

Murairidzi wemaCheetahs, Ricky Chirengende, ari kushandisa mitambo iyi kugadzirira makwikwi emaWorld Cup Qualifiers ayo achaitirwa kuUganda.

Chikwata ichi icho chinosanganisirawo Jerry Jaravaza, Keegan Cooke, Vuyani Dlomo, Kuda Nyamapura, Kuda Chiwanza naCarlos Matematema chiri kutungamirwa naKudzai Mashawi.

Makundano eZambezi Challenge aya ari kutambwa kwemazuva maviri akateverana.

Totarisa mutambo wenhabvu. Murairidzi mutsva weNgezi Platinum Stars, Benjani Mwaruwaru atarisana nemutambo mukukutu apo ‘Madamburo’ mangwana iri kusangana neDynamos muBaobab Stadium.

Dynamos haisati yamborova Ngezi muBaobab Stadium kubvira muna 2016 apo ‘Madamburo’ yakapinda muPremier Soccer League.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti Dembare yanhasi iyi, iyo iri kuchairwa nevatambi Bill Antonio naEmmanuel Paga, yakasiyana nemaDembare emakore apfuura.

Munhandare yeNational Sports Stadium muHarare mune mumwe mutambo mukuru pakati peTriangle, iyo iri pachinzvimbo chechitatu, neHerentals, iyo iri pachinhanho chechisere.

Murairidzi weHerentals, Kumbirai Mutiwekuziva, anoti vateveri vechikwata chake ngavauye nehuwandu hwavo kuzovatsigira.

Chicken Inn, iyo iri kutungamira gungano reCastle Lager PSL, iri kutarisirwa kutora mapoinzi ese matatu apo iri kushanya kuGweru kunosangana neHwahwa.

Muteveri weCaps United VaPhillip Regede vanoti hapana chavari kutya pamutambo wavo neYadah neSvondo muNational Sports Stadium.

Mutambo uyu uri kuuya zuva rimwe chete apo zvikwata zvakaburitsa mari zhinji kutenga vatambi vatsva, Manica Diamonds neBulawayo Chiefs, zviri kusanganawo muSakubva Stadium.

Mimwe mitambo yenhabvu yesvondo rino ndeiyi; Mugovera-Bulawayo Chiefs vs FC Platinum muLuveve, Black Rhinos vs ZPC Kariba muSakubva kwaMutare.

Nemusi weSvondo -Highlanders vs Cranbourne Bullets muBarbourfields kuBulawayo.

NYAYA INA MICHAEL KARIATI
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG