Accessibility links

Breaking News

Judge Ketanji Brown Jackson Vovhoterwa neSenate Kuti Vave Mudzimai Mutema weKutanga Kuva Mutongi weDare reSupreme Court muAmerica


Judge Ketanji Brown Jackson

Dare reSenate muAmerica rakavhota kekupedzisira neChina rikatambira Amai Ketanji Brown Jackson kuti vave mutongi wedare repamusorosoro reSupreme Court.

Judge Jackson vakavhoterwa nemaseneta makumi mashanu nematatu kusanganisira vose vebato remaDemocrats. Asi vebato rinopikisa remaRepublicans makumi mana nevanomwe vakaramba kuvatambira

Nhengo nhatu dzemaRepublicans dzakavavhotera dzinoti Amai Susan Collins, Amai Lisa Murkowski naVaMitt Romney.

Amai Jackson vamirira kutoreswa mhiko nemutongi mukuru wedare reSupreme Court. Izvi zvichapa kuti vave mudzimai mutema wekutanga munhoroondo yeAmerica kuva mutongi wedare reSupreme Court.

Judge Jackson vakadomwa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden kutora chigaro chaJustice Stephen Breyer avo vakaenda pamudyandigere.

Vakatora mhiko vanenge vave wechina pamadzimai anenge ave vatongi mudare reSupreme Court sezvo parizvino paina Amai Sonia Sotomayor, Amai Elena Kagan naAmai Amy Coney Barrett.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG