Accessibility links

Breaking News

South Africa Yochema Chizvarwa cheZimbabwe Chakapondwa Asi Ichiti Vavakidzani Vayo Vagadzirise Hupfumi Kuti Vanhu Vavo Vasanopotereko.


Gurukota rinnoan nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Naledi Pandor krudyi.
Gurukota rinnoan nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Naledi Pandor krudyi.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Doctor Naledi Pandor vashora kurwiswa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika asi vakakurudzira nyika dzakapoteredza South Africa kuti dzisimbaradze hupfumi hwadzo kuti zvizvarwa zvadzo zvisazogume zvotiza munyika idzi zvichipotera munyika mavo.

Zimbabwe ndiyo inonzi ine zvizvarwa zvakawandisa zviri muSouth Africa. Mapurisa emuJohannesburg anoti ari kuferefeta nyaya iyi.

Izvi zvinotevera kupondwa kwechizvarwa cheZimbabwe VaElvis Nyathi vakapondwa kuDiepsloot, Johannesburg South Africa nezvizvarwa zvenyika iyi nezuro.

VaNyathi vanonzi vakafa vachiita zvekutemwa nematombo vasati vapiswa nemoto nemusi weChitatu. Zvizvarwa zveSouth Africa zvinonzi zvakatanga kuratidzira mhaneru zvichiti hazvisi kufara kuti mapurisa enyika iyi haasi kusunga vekunze vanonzi vari kutyora mutemo munyika iyi.

Izvi zvinotevera kupondwa kwevanhu vasere vakapfurwa nepfuti mazuva adarika nematsotsi.

Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa musangano rakazvimirira rinokurudzira kutaurirana kupedza hondo reSouthern African Liaison Office kana kuti SELO VaMujidzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti South Africa haifanire kurega vanhu vachitora mutemo voisa mumaoko avo vachiita basa rinofanira kuitwa nemapurisa.

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum Advocate Gabriel Shumba vashora muzinda weZimbabwe muSouth Africa nekusamirira zvizvarwa zveZimbawe zviri munyika iyi.

Hurukuro naVaGabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata mumiriri weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi kuti tinzwe divi ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG