Accessibility links

Breaking News

Amai Ketanji Brown Jackson Votarisirwa Kuvhoterwa Kuva Mudzimai Mutema Wekutanga Kuva Mutongi weDare rePamusorosoro muAmerica


 Judge Ketanji Brown Jackson
Judge Ketanji Brown Jackson

Nhasi dare reSenate riri kutarisirwa kuvhota kekupedzisira kuti rotambira Amai Ketanji Brown Jackson kuti vave mutongi wedare repamusoro soro muAmerica reSupreme Court.

Vakasarudzwa ndivo vanenge vari mudzimai mutema wekutanga munhoroondo yeAmerica kuva mutongi wedare iri.

Judge Jackson vakadomwa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden kutora chigaro chaJustice Stephen Breyer avo vakaenda pamudyandigere.

Amai Jackson vari kutarisirwa kubudirira kuti vasarudzwe sezvo nhengo nhatu dzebato rinopikisa dzemaRepublicans dzinoti Amai Susan Collins, Amai Lisa Murkowski naVaMitt Romney dzati dziri kuvatsigira.

Vakabudirira vanenge vave wechina pamadzimai vanenge vave vatongi mudare reSupreme Court sezvo parizvino paina Amai Sonia Sotomayor, Amai Elena Kagan naAmai Amy Coney Barrett.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG