Accessibility links

Breaking News

Sangano reICRC Rinoti Vanhu Vanodarika 346 Million muAfrica Vanoda Rubatsiro rweChikafu


Mukuru anoona nezvemabasa eICRC pasi rose, VaDominik Stillhart, vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muKenya.
Mukuru anoona nezvemabasa eICRC pasi rose, VaDominik Stillhart, vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muKenya.

Sangano rinopa rubatsiro, reInternational Committee of the Red Cross, ICRC, rakazivisa neChipiri svondo rino kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mazana matatu nemakumi mana nematanhatu, kana kuti 346 million, muAfrica vakatarisana nenzara, izvo zviri kuita kuti mhuri dzinodarika miriyoni imwechete dzisatodya zvachose pazuva.

Sangano iri rinoti dambudziko iri rinogona kuwedzera mumwedzi inotevera.

Gwaro rakaburitswa neICRC rinoti dambudziko renzara iri rabata Africa yose kubva kuMauritania neBurkina Faso kumawirira kuenda kuSomalia neEthiopia kumabvazuva.

ICRC inoti ichawedzera rubatsiro rwairi kupa kunyika gumi richishanda pamwechete nemamwe masangano anopa rubatsiro kune vamwe zvakare vanhu vanosvika 2.8 million.

Vachitaura kuvatori venhau vari muKenya, mukuru anoona nezvemashandiro esangano reICRC pasi rose, VaDominik Stillhart vakati iyi njodzi isina ari kumbotarisa, vachiti mamiriyoni emhuri ari kugara nenzara uye vana vachifa nekuda kwekushaya kudya kunovaka muviri.

Vakati vari kuwedzera rubatsiro rwavari kupa kunyika dzakaita seSomalia, Kenya, Nigeria neBurkina Faso nedzimwe kuedza kubatsira vanhu vakawanda, asi huwandu hwevanhu vari kurara vasina zvekudya nemvura yekunwa huri kukwira.

ICRC inoti kurwisana, kushanduka kwemamiriro ekunze nekusanaya kwemvura kumabvazuva kweAfrica nemakore akawanda ekusanaya kwemvura kumawirira kweAfrica, kuwanda kwevanhu vari kusiya misha yavo, nekukwira kwemitengo yezvekudya nemafuta edzimotokari zvawedzera dambudziko rechikafu muAfrica.

Zvimwe zvinonzi zviri kuwedzera dambudziko iri inyaya yekuti nyika zhinji dzakabatwa nenzara idzi dzichiri kutatarika kubva mukukanganiswa kwehupfumi hwenyika nedenda reCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzechikafu, uye vakambotungamira sangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vanoti kunyange hazvo gwaro iri risina kutaura nemamiriro akaita zvinhu munyika dziri kuchamhembe kweAfrica kana kuti muSADC, hazvirevi kuti nyika dzakaita seZimbabwe, Mozambique neMadagascar hadzidiwo rubatsiro rwechikafu.

Reverend Matonga vanoti kusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekuwandisa zvakare kwemvura mune dzimwe nyika muSDAC zvakasiya nyika dzakawanda dzichida rubatsiro.

vanokurudzirawo masangano anopa rubatsiro kuti ashande nenyika dzemuAfrica dzakaita seZimbabwe, iyo yaive nembiri yekurima, kuti vabatane vachirimira dunhu rose reSADC voisa mumatura.

Hurukuro naReverend Forbes Matonga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG