Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kumbvumbi , 05, 2022


Shona Headlines
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vaumba komiti yekuona kuti mutongi Justice Edith Mushore avo vasina kubvira vauya kubasa pavakapa nevamwe vatongi mutongo wekuti mutongi mukuru wematare Justice Luke Malaba vainge vofanira kuenda pamudyandigere kwete kuvandudza bumbiro remutemo kuti vaenderere mberi vari pabasa.

Nhengo dzedare reparamende dzichangobva mukusarudzwa mumaby-elections adarika dzotoreswa mhiko nhasi.

Kanzuru yeHarare yotadza zvekare kusangana sezvo pavasati pave nenhengo dzakakwana sezvinodiwa pamutemo pachiri pakamirirwa kuti vakakunda musarudzo dzemaby-elections vatoreswe mhiko.

United Nations Security Council yosangana nhasi kuti izeye mhosva iri kupomerwa mauto emuRussia yekuponda vanhuwo zvavo muUkraine.

Nyanzvi mune zvehupfumi dzozeya danho rebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, rekudzika matanho akanangana nekumisa kukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation, kuburikidza nekukwidza miripo yekumabhanga kubva pazvikamu makumi matanhatu kubva muzana (60%) kuenda pazvikamu makumi masere kubva muzana, kana kuti 80 %, pamwe nekumisa musika mutema wemari yekunze kuburikidza nekubvumidza mabhanga kuti atengese pamwe nekutenga mari yekunze.

Vatendi vechiMuslim muZimbabwe nepasi rose vocherechedza mwedzi wakakosha muchitendero ichi weRamadan

Muchirongwa chedu chanhasi cheThe Connection na8pm chatinotaura nevechidiki nezvavanosangana nazvo muhupenyu, Mike Hove weStudio 7 ari kutaura nezvechirongwa chakaparurwa nehurumende chekufamba munzvimbo dzakasiyana siyana ichipa vanhu magwaro ekuzvarwa nezvitupa cheMobile Registration Exercise.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG