Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoshura Mare muCastle PSL


Dynamos Team

Dynamos yadimbura hutungamiri hweChicken Inn pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League kusvika papoundi imwechete.

Chikwata chine mukurumbira ichi chave nemapoinzi makumi maviri nemaviri kubva mumitambo gumi, poindi imwechete pasi peChicken In iyo irikutungamira gungano iri.

Izvi zvinotevera kurova kwavakaita Black Rhinos 2-1 nezuro muNational Sports Stadium izvo zvasiya murairidzi wavo Tonderai Ndiraya ari mumafaro.

Mitambo ye mukupera kwesvondo isati yatambwa, Dynamos yaive yakasiiwa neChicken Inn nemapoinzi matatu.

Asi chirikunyanyonakidza mumitambo yenhabvu kuwanda kwezvikwata zviri kurwira kutora hutungamiri hwemakundano aya.

Chikwata chiri pachinhanho chechina cheTriangle chakasiiwa nemapoinzi mana chete neChicken Inn iyo iri pamusoro-soro.

Manica Diamonds ndiyo iri pachinzvimbo chechitatu nemapoinzi makumi maviri mushure mekuita mangange 3-3 neChicken Inn kuBulawayo.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaPeter Shumba vanoti semaonero avo pakapedzisira Dembare ndiyo irikutora mukombe uyu.

Asi zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka kuHwahwa iyo iri pasi pasi pegungano iri nemapoinzi mashanu chete.

Chikwata chemuGweru ichi chinofanira kusunga dzisimbe kana chichida kuramba chiri mugungano iri.

Zvichakadaro, Chikwata cheZimbabwe chemaGoshawks chiri pasi pasi mumakundano eCurrie Cup mushure nekurohwa mumutambo wacho wekutanga mumakundano ari kuitwa muSouth Africa aya.

MaGoshawks ari pachinzvimbo chechipfumbamwe mugungano rezvikwata gumi mushure mekurohwa 34-10 neBlack Lion yekuGeorgia mukupera kwesvondo.

Georgia yakasimba zvakanyanya zvekuti irikutungamira Romania nemapoinzi mapfumbamwe mumakundano eEurope ekuenda ku2023 World Cup.

Mutambo weZimbabwe unotevera uriko neDown Touch Griffons neMugovera.

Parizvino, Down Touch Griffons, Black Lion, Eastern Province neValke dziri pamusoro nemapoinzi mashanu. Kenya ndiyo ine mukombe weCurrie Cup uyu,

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG