Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi, 04, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuMozambique uko vanyorerana zvibvumirano zvekudyidzana munyaya dzezvehupfumi nemutungamiri wenyika iyi VaFelipe Nyusi.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa voshora vechikwata chinozviti Operation Dudula chiri kupomerwa mhosva dzekushungurudza zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa.

Zanu-PF iyo yatumira vamwe vatsigiri vayo kuJulius Nyerere School of Ideological Institution inoti ichatonga kusvika madhongi amera nyanga.

Asi vamwe vakwegura kwaMutare vari kukurudzira vechidiki kuti vavhotere bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vachiti remangwana riri mumaoko mavo.

Vamwe vagari vekuMasvingo vonyunyuta kuti kanzuru yavo haidi kunzwa pfungwa dzavo pane zvakawanda zvainoita.

Munhau dzemitambo, Dynamos yokunda mitambo mishanu yakatevedzana zvopa kuti ive pachidanho chechipiri mugungano rePremier Soccer League.

Nhaurirano pakati peRussia neUkraine dzotarisirwa kuenderera mberi nhasi kunyangwe mauto eRussia opomerwa mhosva dzehondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm nhasi, tiri kuita hurukuro nezvakabuda musarudzo uye kurwiswa kweRussia neUkraine

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG