Muzvare Judith Ncube, hanzvadzi yenhengo yebato reCitizens Coalition for Change VaMboneni Ncube vanonzi vakapondwa kuKwekwe nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF muna Kukadzi pamusangano webato rinopikisa vanoti vave kumbogara vakahwanda sezvo vari kutyisidzirwa zvakanyanya nevamwe vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.
Vatsigiri veZanu-PF ava vanonzi havasi kuda kuti vape huchapupu mudare hunoroverera vari kupomerwa mhosva yekuponda hanzvadzi yavo inonzi yakabaiwa nepfumo pamusangano webato reCCC kuKwekwe muna Kukadzi.
Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti havawanzopindire munyaya dzinenge dziri mumatare. Vatiwo handi chokwadi kuti mahofisi avo ari kuendeswa vanhu vanenge vapambwa kuKwekwe.
Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio kuti vari kushushikana zvikuru nemhirizhonga iri kuitika kuKwekwe vakati havasi kufarawo nemabatirwo ari kuitwa nyaya yekupondwa kwaVaMboneni Ncube. nemapurisa uye kumatare. Vati vakaponda vanozivikanwa asi hapana zviri kuitwa.
VaMnangagwa vaenda kuMozambique nhasi kumusangano wekudyidzana. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vasati vapirwa nyaya yekuKwekwe iyi sezvo vange vasiri muhofisi.
Facebook Forum