Accessibility links

Breaking News

Hanzvadzi yeNhengo yeCCC Yakapondwa kuKwekwe Yombohwanda Ichitya Vatsigiri veZanu-PF


Mushakabvu Mboneni Ncube
Mushakabvu Mboneni Ncube

Muzvare Judith Ncube, hanzvadzi yenhengo yebato reCitizens Coalition for Change VaMboneni Ncube vanonzi vakapondwa kuKwekwe nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF muna Kukadzi pamusangano webato rinopikisa vanoti vave kumbogara vakahwanda sezvo vari kutyisidzirwa zvakanyanya nevamwe vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Hurukuro naMuzvare Judith Ncube
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatsigiri veZanu-PF ava vanonzi havasi kuda kuti vape huchapupu mudare hunoroverera vari kupomerwa mhosva yekuponda hanzvadzi yavo inonzi yakabaiwa nepfumo pamusangano webato reCCC kuKwekwe muna Kukadzi.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti havawanzopindire munyaya dzinenge dziri mumatare. Vatiwo handi chokwadi kuti mahofisi avo ari kuendeswa vanhu vanenge vapambwa kuKwekwe.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio kuti vari kushushikana zvikuru nemhirizhonga iri kuitika kuKwekwe vakati havasi kufarawo nemabatirwo ari kuitwa nyaya yekupondwa kwaVaMboneni Ncube. nemapurisa uye kumatare. Vati vakaponda vanozivikanwa asi hapana zviri kuitwa.

VaMnangagwa vaenda kuMozambique nhasi kumusangano wekudyidzana. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vasati vapirwa nyaya yekuKwekwe iyi sezvo vange vasiri muhofisi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG