Accessibility links

Breaking News

Masangano Anopa Rubatsiro Pasi Rose Anoti Rubatsiro Rwavekudiwa Zvakanyanya muUkraine


Mutauriri weWFP, VaTomson Phiri
Mutauriri weWFP, VaTomson Phiri

Masangano anopa rubatsiro ari pasi peUnited Nations anoti rubatsiro rwave kudikwa zvakanyanya muUkraine apo hondo pakati penyika iyi neRussia yawedzera ichipinda munzvimbo dzakawanda dzenyika iyi.

World Food Program inoti chikafu chiri kudzikira uye chave kunetsa kuwana muUkraine.

Kunyange hazvo paine njodzi nekusachengetedzeka, sangano iri rinoti rakwanisa kuwanisa chikafu kuvanhu vanosvika miriyoni imwe chete kubva pakapinda mauto eRussia nechisimba muUkraine musi wa 24 Kukadzi.

Vachitaura vari muguta riri kumawirira kweUkraine reLviv, mutauriri weWFP, VaTomson Phiri, vanoti zvakaoma kuona kuti nyika iyi yaparadzwa zvakadii kana zvinodiwa nevanhu vanenge vachifamba zvakanyanya munguva yekusagadzikana kwezvinhu yakadai.

VaPhiri vaudza Voice of America kuti vanga vachangodzoka kubva kunogovera ma voucher panzvimbo yekugovera zvinhu iri muguta reLviv, vachiti vanhu vatambura.

VaPhiri vanoti hurongwa hwavo sesangano reWorld Food Program ndehwekuti vatsigire vanhu vakawanda.

United Nations nemamwe masangano anobatsira pasi rose vari kuti hondo iri muUkraine yakonzera dambudziko mukuwaniswa kwechikafu mupasi rose.

Sangano reFood and Agriculture Organization rinoti Russia neUkraine dzinotengesera pasi rose gorosi rinoda kusvika kuzvikamu makumi matatu kubva muzana (30%), paine nyika dzingangosvika makumi mashanu dzinorarama nekutenga gorosi kubva kunyika mbiri idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG