Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matanhatu neVasere Vourayiwa neMhuka dzeMusango


Zimbabwe Parks and Wildlife Management Authority kana kuti Zimparks inoti vanhu vanosvika makumi matanhatu nevasere kana kuti 68 vakaurayiwa nemhuka dzemusango gore rapera.

Mutauriri weZimParks VaTinashe Farawo vanoti pamusoro pevanhu vakafa gore rapera ava, vamwe makumi manomwe kana kuti 70 vakakuvadzwa zvakaipisisa mugore rapera nemhuka dzemusango idzi.

VaFarawo vanoti mhuka dziri kunyanya kuuraya nekushungurudza vanhu inzou nemakarwe izvo zvakauraya nekukuvadza vanhu zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana.

Vatiwo izvi zviri kukonzerwa nekuwanda kuri kuita mhuka dzesango dzinenge dzichitsvaga mvura nezvekudya kuno gara vanhu.

VaFarawo vakurudzira vanhu vari pedyo nenzvimbo dzine mhuka kuti vasafambe nguva dzemanheru uye kuti vasayedze kudzinga mhuka dzakaita senzou munharaunda mavo pasina vashandi veZimParks.

Panyaya yevanhu vari kurumwa nemakarwe, VaFarawo vakurudzira vanhu kuti vasatambire pedyo nenzizi sezvo pose pane mvura panogona kuita makarwe.

VaFarawo vanoti pamusoro pekuurayiwa kwevanhu zvipfuwo nezvirimwa zvevanhu zviri kuparadzwa izvo zvinozoita kuti vashaye zvekudya.

Imwe nzvimbo ine dambudziko rekunetsana kwemhuka nevanhu inharauranda yeChipinge sematauriro emutungamiri wesangano rinomirira vagari veko rePlatform for Youth and Community Development VaClaris Madhuku.

VaMadhuku vatiwo hurumende iri kungovimbosa kugadzirisa dambudziko iri asi hapana chabuda.

Imwe nhengo yeboka rinomirira vagari vemuKariba reKariba Residents Association VaEdward Ruparanganda vanoti vanhu vakawanda vari kuurayiwa neNzou masikati uye vashandi veZimParks vakashevedzwa vanonoka kuuya kuzoyamura.

Vamwe vagari vekuNyamakati vagere pedyo neKariba vanoti ZimParks inofanirwa kuisa waya pamuganhu wenzvimbo inogara vanhu nekunogara mhuka senzira yekudzivirira kufa kwevanhu nekuparadzwa kwezvipfuwo.

Nyaya yenzara inokonzerwa nemvura inenge isina kunaya zvakanaka inonziwo nenyanzvi mukuchengetwa kwemhuka inopa kuti mhuka dzigume dzoenda kumisha yevanhu dzichitsvaga zvekudya.

Kuwandisawo kwevanhu kwave kupa kuti vavakire misha pedyo nemasango anochengeterwa mhuka zvokonzerawo matambudziko pakati pevanhu nemhuka.

Nzou idzo dzisingabvumidzwe kuurayiwa uye kuti nyanga dzacho dzitengeswe nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka reConvention on International Trade in Endangered Species of Wild Fauna and Fora kana kuti CITES dzinonziwo dzawandisa muZimbabwe zvopa kuti dziuraye vanhu.

Huwandu hwevanhu vakafa ava hwakawedzerwa kubva pavanhu makumi matanhatu kana kuti 60 chete vakafa nevamwe makumi mashanu vakakuvara mugore ra2020.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG