Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume, 31, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti zvinhu zvave kutengeswa muzvitoro zvemunyika zvikamu makumi manomwe kubva muzana zviri kugadzirwa muZimbabwe zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi igudziramukanwa.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti riri kuruka hurongwa hwekuti rikwikwidze zvakasimba kumaruwa musarudzo dzinotevera.

Vabereki vane vana vane chirwere chekutadza kutaura kana kutamba zvakanaka nevamwe zvinotarisirwa pazera ravo cheautism vanoti havasi kuwana rubatsiro rwakakwana kubva kuhurumende.

Vanyori vemabhuku vemunyika Tsitsi Dangaremwa naGloria Ndlovu vari pakati pevanyori vasere vakapihwa mubairo weWinsome Pinnock vachiwana mari inosvika zana rezviuru nemakumi matanhatu nemashanu emadhora kana kuti US$165 000. Tine hurukurowo nemumwe munyori wechidzimai ari kuBotswana amai Sarah Mude Mberengo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzozeya matanho matsva akatorwa nemapato ezvematongerwo enyika eMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora nePeople’s Democratic Party ekudzinga dzimwe nhengo dzemapato aya mumakanzuru dzichipomerwa mhosva yekudyidzana nebato reCitizen’s Coalition for Change, izvo zvopa kuti kuitwe dzimwe sarudzo dzema by-election.

Hondo pakati peRussia neUkraine yoenderera mberi ichikonzera kusagadzikana pasi rose.

Congress yesangano reFIFA iri kusangana kuDoha yatambira nhasi danho rekumbomiswa kuva nhengo kweZimbabwe neKenya.

Muchirongwa cheWomens Round Table chatinotaura nemadzimai, nhasi n 8pm tiri kuita hurukuro nezvesarudzo dzemaby-elections dzichangiobva mukuitwa uye zviri kuitika kuUkraine iyo iri kurwiswa neRussia muhondo yakonzera kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG