Accessibility links

Breaking News

Misika yeFodya Yovhurwa Varimi Vachifara neMutengo Asi Vachiti Vanoda Kupihwa Madhora ekuAmerica Chete


Musika wefodya
Musika wefodya

Gurukota rezvekurima, Doctor Anxious Masuka, nhasi vavhura misika yefodya zviri pamutemo vachikurudzira makambani anotenga fodya kuti ape varimi mutengo unokodzera uyewo kuti aite basa rawo zvakajeka.

VaMasuka vati nyaya yekusiyanisa mutengo kumusika inoitwa nemakambani anotenga fodya akazvimirira kana kuti maContractors haina kunaka vachiti fodya yemhando imwe inofanira kutengwa nemutengo mumwe chete zvisinei nekuti iri kutengwa nani.

Vatiwo makambani anotsigira varimi vefodya kana kuti maContractors anofanira kupa varimi zvikwanisiro zvese vachiti varimi vari kuchema pari zvino kuti havasi kupihwa zvinhu zvese zvavanoda.

Vatiwo kana varimi vachinge vatsigirwa nemakambani aya, vanofanira kuzotengesa fodya yavo kumakambani aya vachiti Tobacco Industries Marketing Board (TIMB) yave nebandiko rinoongorora nekudzivirira kutengeswa kwefodya pamukoto nevanenge vanyorerana zvibvumirano nemakambani vasati vakohwa fodya yavo.

Vati fodya inowanisa nyika `bhiriyoni nemazana maviri ezviuru zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$1, 2 billon pagore uye hurumende iri kuvandudza mabasa ekurimwa kwefodya zvekuti kusvika muna 2025 nyika inenge yave kuwana mabhiriyoni mashanu emadhora kubva kufodya.

Zvichakadai varimi vauuya nefodya yavo vanoti mitengo yegore rino iri nani kudarika yegore rapfuura, Amai Zvanyadza Kadembetembe vanorima vari kuMatepatepa vati vati vano tarisira kuti mitengo ichakwira nekufamba kwenguva.

VaJelousy Herebati, vati mutengo wavhurwa nawo musika nhasi wakanaka kudarika gore rapfuura.

Vati chichemo chavo ndechekuti dai vapihwa mari yavo yese ari madhora ekuAmerica.

Varimii vari kupihwa zvikamu makumi manomwe nezvishanu zvemari yavo ari madhora ekuAmerica imwe yacho vachiiwana ari maRTGS.

Vamwe vafadzwa nemutengo wanhasi ndiVaWellington Mpande vanorima vari kuMutorashanga.

Bhero rekutanga ratengwa nemadhora mana nemasenzi makumi maviri ekuAmerica unove mutengo wafadza varimi vakawanda.

VaMasuka vati mwaka uno goho harina kubuda sezvainge zvatarisirwa sezvo mvura yakanonoka kuuya uye yakazouuya yakawandisa zvekuti yakakanganisa zvirimwa.

Nyika inotarisirwa kuwana fodya inodarika zvishoma makirogiramu mamiriyoni mazana maviri negumi nerimwe anove ayakawana gore rapfuuura.

Pane misika mitatu yefodya munyika inoti Boka, TSF nePremier iyo iri muHarare.

Kune makambani makumi matatu nematatu ane marezenisi ekutenga fodya, uye makambani aya anotengera fodya muHarare, Karoi, Mvurwi, Bindura, Marondera neRusape.

Mune imwewo nyaya, VaMasuka vati nyika haisisina minda yekupa vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nezvishanu vakanyoresa kubazi ravo kuti vanoda minda nekudaro hurumende yatanga kutora minda kune vaya vasiri kuishandisa nevane yakawanda.

Vatiwo vaye vakaenda pamapurazi aive nezvikwanisiro vakazvigurunura nekuzvitengesa vachatorerwawo mapurazi iwawo opihwa kune vanoda kuashandisa zvakanaka.

Pari zvino pane vanhu zviuru makumi maviri nechimwe, 21 000, vane minda mirefu kana kuti A2, kozoti vanhu zviuru mazana matatu nemakumi matanhatu, 360 000, vane mapurazi madiki kana kuti A1.

Nyaya Ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG