Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume, 30, 2022


Nhau DzeShona Studio7
Musika yefodya wovhurwa zviri pamutemo nhasi varimi vachiti vari kutarisira mitengo iri nani gore rino.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu roshora zvikuru matare nemabatiro aari kuita nyaya yaMuzvare Mary Mubaiwa vaive mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga.

Meya weguta reHarare vakadzingwa basa VaJacob Mafume vanonzi havasisiri kanzura nekuti vakadzingwa nebato ravo rePeople’s Democratic Party kunyangwe mimwe mitongo yematare yakamboti vakavadzinga havana kodzero iyi uye nyaya iyi ichiri kungotenderera mumatare.

Kunyangwe hazvo Russia yakati yave kumbomira kurwisa guta reKyiv apo nhaurirano dziri kuitwa, inonzi iri kuenderera mberi nekubhomba guta guru reUkraine iri.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 munyika vasvika mamiriyoni mashanu.

Ko ndezvipi zvikwata zvichanomirira Africa kumakwikwi eWorld Cup? Tichakupai mhinduro muchikamu chedu chatinotarisa nyaya dzemitambo.

Svondo rino muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, tine hurukuro nevakavamba uye vari mukuru wesangano rinobatanidza zvizvarwa zvekuAfrica zviri kunze kwenyika pasi rino rose zvichigoverana pfungwa dzekutanga pamwe nekusimudzira mabhizimusi, reAfrican Diaspora Empowerment International, ADEI, Amai Susan Muzorewa, avo vari mudunhu rePennsylvania muno muAmerica.

Muchirongwa cheDiaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi na8pm tiri kuita hurukuro nezvenyaya yesarudzo nekodzero yevana veZimbabwe vari kunze kwenyika yekuvhota uye tichatarisawo nyaya yekurwiswa kuri kuitwa Ukraine neRussia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG