Accessibility links

Breaking News

Hurukuro dzeRunyararo Pakati peRussia neUkraine Dzotarisirwa Kutangazve muTurkey


Mutungamiri weRussia vaVladimir Putin nemutungamiri weUkraine VaVolodomyr Zelenskyy Biden Analysis
Mutungamiri weRussia vaVladimir Putin nemutungamiri weUkraine VaVolodomyr Zelenskyy Biden Analysis

Nhaurirano dzeRusssia neUkraine dziri kutarisirwa kutanga svondo rino muTurkey apo hondo pakati penyika mbiri idzi yapinda musvondo rechishanu.

Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodomyr Zelenskyy vanoti rusungunuko rwenyika yavo yose rwakakosha munhaurirano idzi vachiramba zviri kutaurwa neRussia kuti itore mamwe matunhu enyika yavo.

Mutungamiri wenyika yeTurkey VaRecep Tayyip Erdogan vakatotaura parunhare memutungamiri weRussia VaVladimir Putin vachikurudzira kuti vambokanda zvombo pasi. United Nations inoti vanhu mamiriyoni gumi vamanikidzwa kuenda muhupoterei muUkraine nekuda kwehondo iyi.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakadzokorora zvakare kuti nyika yavo haisikuda kupidigura hurumende yeRussia mushre mekunge mutungamiti wenyika VaJoe Biden vati VaPutin havafanire kuramba vari pachigaro zvichitevera kurwisa kwavari kuita Ukraine.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Mashocha vari muAmerica vaudza Studio 7 kuti vanoona Russia ichibvuma kuita nhaurirano dzekupedza hondo sezvo zvirango zvakaomarara zvayakatemerwa zvichigona kukanganisa hupfumi hwavo zvakanyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG