Accessibility links

Breaking News

Misika yeFodya Yovhurwa Varimi Vachiti Vanoda Kubhadharwa neMadhora ekuAmerica Chete


Musika wefodya kuMarondera (Columbus Mavhunga/VOA)
Musika wefodya kuMarondera (Columbus Mavhunga/VOA)

Misika yekutenga fodya iri kuvhurwa nemusi weChitatu varimi vachiti vanoda kupihwa mari yavo yese iri madhora eku America uye nyanzvi munyaya dzehupfumi dzichiti kuvhurwa kwemisika iyi kuchaita kuti hurumende iwane mari yekunze yakawanda yekusimudzira hupfumi.

Kambani yehurumende inoona nezvefodya yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB) inoti misika yefodya kana kuti maTobbacco Auction Floors achavhurwa nemusi weChitatu muHarare uye mamwe makambani anotenga fodya kana kuti maContractors achatanga kutenga fodya nemusi weChishanu svondo rino.

Varimi vanoti vakagadzirira kuenda kumiska asi semakore ose havasi kufara nemabhadharirwe avari kuitwa pakutengesa fodya.

TIMB inoti pafodya yavanenge vatengesa, varimi vachabhadharwa zvikamu makumi manomwe nezvishanu ari madhora ekuAmerica uye chikamu chinenge chasra vachapihwa mari yemuno inoenderena nemusika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe.

Asi varimi vanoti vanoda kupihwa mari yavo yose ari madhora ekuAmerica.

Mukuru werimwe sangano rinomirira, varimi reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakaria vanoti tarisiro yevarimi inobva pakuti zvese zvavanoshandisa pakurima fodya zvinotengwa nemari yekunze.

Mutungamiriri wesangano reTobacco Association of Zimbabwe, VaGeorge Seremwe, vatsinhira mashoko ava Zakaria vachiti vakatoisa chikumbiro kuhurumende chekuti varimi vapihwa mari yavo yese ari madhora ekuAmerica.

Vaenderera mberi vachitiwo pane vamwe varimi vasati mabhadharwa mari dzavo nemakambani akatora fodya yavo uye zvingave zvakanaka kuti dai varimi ava vapihwa mari dzavo mwaka wekutengesa fodya gore rino usati watanga.

Asi mukuru weTIMB, VaMeanwill Gudu, vaudza Studio 7 kuti magwaro avo anoratidza kuti varimi vaise vaive nezvichemo vakaenda kumahofisi avo vakapihwa mari dzavo dzese.

Vatiwo mari inopihwa varimi ari madhora ekuAmerica iri kuwedzerwa gore negore.

TIMP yakapa marezinesi ekutenga fodya pamisika kumakambani makumi matatu nematatu anosanganisira Boka, TSF nePremier Tobacco Auction Floors.

Yakapawo makambani marezenisi makumi matatu nerimwe kumakambani anotengea fodya akazvimirira kana kuti maContractors.

Gore rapera nyika yakawana mari inodarika mamiriyoni mazana masere emadhora ekuAmerica mushure mekutengesa fodya kunyika dzakaita seChina, America neEurope.

Nyanzvi munyaya dzepfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Dr Godfrey Kanyenze, vati kuvhurwa kwemisika yefodya kwakosha chose sezvo kuchiwanisa hurumende mari yekushandisa pakusimudzira hupfumi.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira VaSimon Hove vatiwo fodya yakakosha zvikuru sezvo ichuunza mari munyika nenzira dzakasiyana siyana dzinosanganisira mitero pakutengwa kwayo.

Kunze kwezvicherwa, fodya ndiyo inounza mari yekunze zvakanyanya kudarika zvimwe zvese.

Gore rino nyika inotarisirwa kukohwa fodya yakati wandei kudarika yegore rapfuura nekuda kwekuti mvura haina kunaya zvakanaka.

VaGudu, vati kunyange hazvo misika iri kuvhurwa nekchitatu vachiri kuongorora kuona kuti goho remwaka uno rinenge rakakura sei.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG