Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume, 28, 2022


Shona Headlines

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti vari kufara nezvakabuda musarudzo kunyangwe vasiri kufara nemabatirwo adzakaitwa neZEC.

Vakatungamira MDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora voramba kuti vamwe mumubatanidzwa uyu havachadi kuti vatungamire mushure mekunge watadza kuwana kana chigaro chimwe chete musarudzo dzemaby-elections.

Musika wefodya wegore rino wotarisirwa kuvhurwa nemusi weChitatu.

Muchirongwa chatinotarisa nyaya dzezvehutano, tine hurukuro nemumwe mudzimai akazvarwa asina chibereko.

Muchirongwa cheLiveTalk na8 pm nhasi, tirikuzeya nyaya yesarudzo dzemaby elections akaitwa neMugovera uye kurwiswa kweRussia neUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG