Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Zviuru Mazana Mana (400 000) Vobayiwa Nhomba YeCovid-19 Muazuva Matanhatu Chete


A nurse speaks to people waiting to be vaccinated with a COVID-19 vaccine at a public hospital in Harare, Zimbabwe, Dec. 1, 2021.
A nurse speaks to people waiting to be vaccinated with a COVID-19 vaccine at a public hospital in Harare, Zimbabwe, Dec. 1, 2021.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu zviuru makumi manomwe nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi matanhatu kana kuti 71 660 vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga nemusi weMugovera.

Izvi zvasiya vanhu vabayiwa nhomba iyi kubva Muvhuro paparurwa chirongwa chekubaya vanhu vakawanda munharaunda dzavagere vave zviuru mazana mana nemakumi matanhatu nemanomwe zvine mazana maviri nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 467, 286.

Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave kuda kusvika mamiriyoni mashanu. Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti vari kufara nehuwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba parizvino.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 neMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu zvine mazana mana nemakumi matatu nevanomwe kana kuti 5 437.

Hurukuro naDr Agnes Mahomva
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG