Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neCCC Ndiwo Chete Mapato Ari Kutatsurana Zvine Mutsindo kuMatabeleland, Midlands Nemamwe Matunhu


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Sarudzo mumatunhu eMatabeleland neMidland nedzimwe kuMashonaland West dzinoratidzawo zviri kubva kune mamwe matunhu kuti kukwikwidzana kukuru kwange kuri pakati peZanu-PF nebato reCitizens Coaltion for Change nebato reZanu-PF.

Vainge vari mumiriri weMbizo kuMidlands vakambodzingwa neMDC-T yaVaMwonzora VaSettlement Chikwinya yeCCC vakunda musarudzo nemavhoti zviuru zvitanhatu nemazana manomwe nemakumi masere kana kuti 6 780. VaVongai Mupereri veZanu-PF vange vachitevera vange vaine zviuru zvitatu nevasere kana kuti 3008.

Muzvare Judith Tobaiwa avo vange vakamirira bato reCCC ndivo vakakunda muKwekwe uye vati vari kufara zvikuru.

MuBulawayo bato reCCC rakunda kuNkulumane nePumula uyewo kuWard 26 uko bato iri range riine vanhu vaviviri vakakwikwidza. Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCCC VaSwithern Chiroodza vati sarudzo dzakafamba zvakanaka chose.

Vamwe vataura neStudio 7 vati zvabuda musarudzo hazvinyanyoshamisa sezvo zvaive zvagara zviri pachena kuti makwikwi aizove pakati pemapato maviri eCCC neZanu PF. Mumwe ane maonero aya ndiTafadzwa Moyo.

Asi nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF VaJospeh Tshuma vaudza Studio 7 kuti zvisinei nekushorwa kweboka reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, uyewo kuchema chema kwavati kwaiitwa nemapato anopikisa, zviri pachena kuti sarudzo dzakafamba zvakanaka.

Taedzawo kunzwa kubva kuna VaMthulisi Hanana mutauriri webato reZAPU iro rinove rakakwikiwdzawo musarudzo asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Asi ZEC inoti kuKadoma ward 13, VaDeven Levie veCCC vaita mavhoti mazana mashanu nemakumi matatu kana kuti 530 vachikunda VaEmmanuel Mavata veZanu-PF vange vaine mavhoti mazana mashanu nemakumi maviri nemana kana kuyi 524.

KuGwanda Ward 7, vaimbova meya weguta iri VaJastone Mazhale avo vange vaine mavhoti mazana matatu nemakumi maviri nematatu kana kuti 323 vakunda musarudzo.

Vamwe vakwikwidza ndiThembani Mathuthu, Zanu-PF vange vaine mavhoti mazana maviri negumi nemaviri kana kuti 212, VaVusani Mhlanga MDC Alliance gumi nevatatu, VaLizwe Nyathi ZAPU gumi nemumwe.

Vamwe vari kutarisirwa kukunda musarudzo kunyangwe ZEC iri kunonoka kubuditsa zvabuda musarudzo vanosanganisira vanotevera.

Nkululumane, Kucaca Phulu, CCC

Binga North, Prince Sibanda, CCC

Pumula, Sichelesile Mahlangu, CCC

Tsholotsho – Musa Ncube, Zanu PF

Mudunhu reBulawayo mange muna nzvimbo mbiri dzevamiriri veparamende ukuwo mudunhu reMidlands mange mune nzvimbo shanu dzevamiriri veparamende mbiri dzinoti Gokwe Central neMberengwa East dzikatorwa nebato reZanu PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG