Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu yeKutsvaga Zvikwata Zvichamirira Africa kuWorld Cup 2022 Yotanga


Egypt iri kutatsurana neSenegal mune mumwe mutambo wekutsvaga zvikwata zvishanu zvichamirira Africa kuWorld Cup 2022 kuQatar.

Mitambo yekusarudza zvikwata zvishanu zvichamirira Africa kumakundano e2022 World Cup yasimuka nhasi yakabaka moto unotyisa.

Mimwe yemitambo iyi pakati peCameroon neAlgeria neuyo uri pakati peMali neTunisia irI kutotambwa panguva ino tiri pamhepo.

Algeria inonzi yakasimudza ndege gumi neimwechete dzakatakura vatsigiri vemaDesert Foxes kuenda kuCameroon kumutambo weWorld Cup uyu.

Asi mutambo uri kunyanyotaurwa nezvawo ndeuyo uriko manheru ano pakati peEgypt neSenegal muCairo International Stadium.

Zvikwata zviviri izvi zvakasangana mufainari yeAfcon 2022, Senegal ndokukunda nemapenareti mushure mekunge vaita 0-0 munguva yakatarwa.

Aimbobatira maWarriors Chenjerai Dube anoti chaanonyanyofarira paSenegal kubatana kwevatambi, vatungamiri venhabvu nemhuri yese yenhabvu munyika iyi.

Egypt ne Senegal dziri kutungamirwa nevatambi vari kurura veLiverpool, Mohammed Salah weEgypt naSadio Mane weSenegal.

Izvi zviri kureva kuti mumwe wevatambi vaviri ava, avo vane mukurumbira pasi rese, haasi kuenda ku2022 World Cup iyo iri kutambirwa kuQatar muna Chikumi.

Zimbabwe yakabuditswa kare muWorld Cup iyi mushure mekupedza iri pasi pasi mugungano raive neGhana, South Africa neEthiopia.

Kunyange dai Zimbabwe yanga ichiri muWorld Cup umu hayaitenderwa kuramba ichikwikwidza sezvo nyika yakadzingwa munhabvu yepasi rese neFIFA nemhaka yekupindira kwebazi rehurumende reSRC munyaya dzekutungamirwa kwenhabvu.

Mumwe mutambo weWorld Cup wakabaka moto manheru ano ndeuyo uri pakati pevavakidzani veGhana neNigeria.

Zvikwata zviviri izvi zviri kuda kufadza vatsigiri vazvo mushure mekutatarika kuAfcon 2022.

Zvichakadaro, muCastle Lager Premier Soccer League mune mitambo mikuru miviri iri kusangana zvikwata zvemuHarare zvega neuyo uri pakati peChicken Inn neNgezi Platinum Stars, idzo dziri kurwira mukombe.

Chicken Inn ndiyo iri kutungamira makundano aya asi Ngezi yaratidza kuti iripowo pazvikwata zvingangotora mukombe uyu.

Mashoko ari kufamba anoti Ngezi yapa basa rehurairidzi kuna Benjani Mwaruwari, uyo achange achibatsirwa naBongani Mafu naTakesure Chiragwi.

Tinashe Nengomasha ndiye ave maneja wevatambi vechikwata ichi.

Asi muNational Sports Stadium mangwana, Herentals iri pamusha neCaps United mumutambo wekutanga wezvikwata zvemuHarare wesvondo rino.

Herentals iri kutamba zvinodakadza asi zveCaps United ndezve mazuva.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaKelvin Mushonga vanoti Makepekepe iri kutatarika nekuti yakanyanyokumba vatambi kubva kuzvikwata zvakasiyana-siyana.

Caps neHerentals dzichateverwa nezvimwe zvikwata zvemuHarare, Dynamos neHarare City nesvondo munhandare imwecheteyo yeNational Sports Stadium.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi. neMugovera Black Rhinos vs Byo Chiefs kuSakubva, Bulawayo City vs Triangle -Luveve, ZPC vs Tenax - Nyamhunga.

Nemusi weSvondo Highlanders iri kutamba ne Yadah kuBarbourfields, Manica Diamonds vs Platinum - Sakubva, Hwahwa vs Cranbourne - Ascot.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG