Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Kurume 25, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Nhasi Studio 7 iri kutarisa zvakadzama mashoko ekuti kune vamwe vari kugovera chikafu pamwe nemari kune vanhu pamberi pesarudzo dziriko mangwana uye mashoko ekuti mapepa ekuvhotesa akavhurwa mune dzimwe nzvimbo dzekuvhotera.

Masangano anorwira kodzero yeruzivo vokurudzira masangano ezvenhau kuti vabudise mashoko echokwadi munyaya dzesarudzo vachiti izvi zvinobetsera vavhoti kuti vakwanise kuvhotera vatungamiriri vanozogona basa.

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vanoshanyira Poland murwendo rwavo rwekuita misanganonyekugadzirisa matambudziko akonzerwa nehondo iri kuUkraine zvichitevera kupinda kweRussia munyika iyi nechisimba.

Sangano reElections Resource Centre rinoti rinotarisira kuti sarudzo dziriko mangwana dzichafamba zvakanaka zvichitevera gadziriro yanga ichiitwa ne Zimbabwe Electoral Commission yekunyoresa vachaongorora sarudzo pamwe nekupa dzidziso pamusoro pesarudzo.

Vamwe vagari vekuHurungwe vanoti havasi kufara nekukwira kuri kuita mari dzavanobhadhariswa dzemitero yekusimudzira kumaruwa kana kuti development levy asi pasina budiriro iri kuitika munzvimbo dzavanogara.

Mitambo yekusarudza zvikwata zvishanu zvichamirira Africa kumakundano e2022 World Cup yasimuka nhasi yakabaka moto unotyisa.

Muchirongwa che Livetalk na 8pm nhasi tiri kuenderera mberi nekutarisa nezvesarudzo dzema by-election idzo dziriko mune mamwe matunhu emunyika mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 kilohertz pashort wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 short wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG