Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Zviuru Makumi Manomwe neChimwe (71 000) Vobayiwa Nhomba yeCovid-19 Muzuva Rimwe Chete


Mukoti achibaya nhomba yeCovid-19
Mukoti achibaya nhomba yeCovid-19

Huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba yeCovid-19 huri kuramba huchiwedzera kubva hurumende zvayakaparura chirongwa chekubaya vanhu vakawanda kana kuti Blitz nemusi weMuvhuro ichivhura nzvimbo dzakawanda dzekuti vanhu vabayiwe nhomba.

Muna Nyamavhuvhu gore rapera, Zimbabwe ndipo payakakwanisa kubaya vanhu vakawanda zuva rimwe chete vakadarika zviuru zana nezvina znemazana mapfumbamwr nemakumi manomwe nevana kana kuti 101 974.

Nezuro vanhu zviuru makumi manomwe nechimwe zvine mazana matatu negumi nevapfumbamwe kana kuti 71 319 vakabayiwa nhomba kekutanga.

Asi nezuro vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana mana nemakumi matatu nevaviri kana kuti 5 432.

Vanhu mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 273 vakabatwa nechirwere ichi nezuro. Hurumende inoti iri kuda kubaya vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzanapanosvika mwedzi waChikunguru.

Vana vane makore gumi nemaviri zvichikwira vari kubayiwawo nhomba iyi. Kubayiwa kwevanhu nhomba uku kuri kuuya apo nyika dzakabudirira dzatanga kuonazve vanhu vakawanda vachibatwa nekamhando katsva kari kunzi omicron stealth.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vaudza Studio 7 kuti chirwere chirwerechdeCovid-19 chinoramba chichinja chinja nekudaro zvakakosha kuti vabayiwe nhomba uye vasarivara.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana mana nemakumi matatu nevaviri kana kuti 5 432. Vanhu mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 273 vakabatwa nechirwere ichi nezuro.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG