Accessibility links

Breaking News

Amai Ketanji Brown Jackson Votarisirwa Kupinda Munhoroondo yeAmerica seMutongi


amai Ketanji Brown Jackson
amai Ketanji Brown Jackson

Komiti inoona nezvemutemo mudare reSenate muAmerica yakaendeerera mberi nezuro ichibvunzurudza Amai Ketanji Brown Jackson kuti ione kuti yovatambira here kuti vave mutongi wedare repamusoro soro remuAmerica reSupreme Court.

Vakatambirwa vanenge vari mudzimai wekutanga wechitema kuva mutongi mudare iri munhoroondo yeAmerica.

Bato rinopikisa remaRepublicans range richibvunza nezvekumbomirira kwavakaita vasungwa vari kupomerwa mhosva dzekuita zvinopfurikidza mwero vari kujeri reGuantanamo Bay. Anmai jackson vari kunyanya kubvunzwa nezvemitemo yavaipa vari mutongi mumatare epasi.

Vachipindura vati segweta vanongomiririra chero munhu zvake. Dare reSupreme Court rinogona kuvhota scondo rinouya kuti rovatambira here kana kuti kwete. Vakadomwa nemutungamiti wenyika VaJoe Biden kuti vatore chigaro chiri kusiiwa naJustice Stephen Breyer vafri kuenda pamudyandigere.

Vebato remaRepublicans vakawanda vari kupikisa kudomewa kwavo asi sezvo maDemocrats akawanda, vane mukana wakakura wekuti vachadomwa semutongi wedare repamusoro soro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG