Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakasvika kuBelgium nezuro uko vari kutanga nhasi kuita musangano nenyika dziri mugungano reNato.
Vatungamiri ava vari kutarisirwa kukurukura nyaya yeRussia yekurwisa Ukraine yakonzera kusagadzikana pasi rose. America iri kutarisirwawo kuwedzera zvirango zvakatemerwa dzimwe nhengo dzedare reparamende reRussia dziri kunzi dziri kupesvedzera mutungamiri wwenyika iyi VaVladimir Putin kuti vapambe Ukraine.
Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy vari kutarisirwawo kuti vachataura nevatungamiri veNATO ava nhasi vari pavhidhiyo vari kunyika kwavo.
Papera mwedzi hondo iyi ichirwiwa uye zvinonzi mauto eUkraine ave kutora dzimwe nzvimbo dzakambotorwa nemauto eRussia zvopa kuti Russia ishandise ndege kumbomba mamwe maguta.
Facebook Forum