Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Chipiri, Kurume 22,2022


Shona Headlines

Dare ramajistireti richapa mutongo waro mangwana pachikumbiro chenhengo yebato reCitizens Coalition for Change, VaGodfrey Karembera, chekuti mhosva yavari kupomerwa yekuzvidza mapurisa iraswe sezvo vakagara muhusungwa kwenguva yakapfurikidza zvinodiwa pamutemo

Zimbabwe Election Support Network Yokurudzira Zimbabwe kuti izadzikise zviga zveAfrican Charter on Democracy, Elections and Governance izvo yakatenda kuAfrican Union kuti inenge yave kutevedzera.

Dzimwe mhuri zana dzopedza mwedzi mitanhatu dzichigara pedyo nemugwagwa kuHurungwe mushure mekudzingwa papurazi padzaigara.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa svondo rino kuenda ku Brussesl, guta guru reBelgium, kumisangano mitatu inoti weNATO, weG-7 pamwe newe European Council, iyo iri pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muUkraine zvichitevera hondo yakakonzerwa nekupinda nechisimba kweRussia munyika iyi.

Muchirongwa cheThe Connection chatinotaura nevechidiki, nhasi na8pm tiri kuita hurukuro nezvesarudzo dzemaby elections dziri kuitwa nemusi weMugovera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG