Accessibility links

Breaking News

Kamhando Katsva keCovid-19 ke"Omicron Stealth"Kowanikwa muZimbabwe


.
.

Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vaudza Studio 7 kuti kamhando kechirwere cheCovid-19 kanonzi "omicron stealth" BA.2 kakawanikwa munyika pavanhu vaviri mushure mekuongororwa kwavakaitwa.

Asi Dr Mahomva vanoti hapana hapo chikonzero chekuti vanhu vabva vanyanya kuvhunduka.

Kamhando aka kakonzera kuti chirwere cheCovid-19 chidzoke zvine mutsindo kuEurope, China neAmerica. Stealth omicron inonzi inopararira zvakanyanya asi ichinetsa kubata kunyangwe munhu akavhenekwa.

WHO inoti kamhando aka hakakanganise mapapu zvinopa kuti vanhu vasarasikirwe nekusanzwa munhuwi kana kuzarirwa.

Asi zvinonzi vanenge vabatwa nekamhando katsva aka vanonzwa kuneta zvakanyanya uye kuita dzungu. Vamwe vanogona kupisa muviri, kukosora, kurwadziwa nepahuro, ruoko uye kurohwa nehana zvakanyanyisa.

As Dr Mahomva vanoti havo parizvino zvikamu makumi mapfumbamwe nemasere kubva muzana zvevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika vane mhando yeomicron yakatanga kuonekwa kuBotswana gore rapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG