Accessibility links

Breaking News

Vateveri veNhabvu Votarisana neMitakunanzva muKupera kweSvondo


Chikwata cheDynamos

Kune mitambo mikukutu mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League svondo rino kusanganisira rwendo rweManica Diamonds iri kutungamira makwikwi aya kunhandare yeBaobab iyo yakananga ku Baobab.

Mutambo mukuru uri muNational Sports Stadium nesvondo umo zvikwata zvine mazita makuru Caps United neHighlanders zviri kusangana kekutanga pamakore matatu apfuura.

Asi zvikwata izvi zviri kupinda munhandare iyi zvichifamba nzira dzakasiyana mumakundano ezvikwata gumi nezvisere eCastle Lager Premier Soccer League aya.

Makepekepe iri kubaka moto asi zvimwechetezvo hazvingataurwe nezveHighlanders, iyo iri kutatarika kunyange hazvo yakapihwa mari zhinji nekambani yeSakunda Holdings.

Vateveri vechikwata ichi vari kuzhamba nemabatirwo avanoti ari kuitwa basa nemurairidzi wavo Mandla Mpofu zvekuti kukundwa svondo rino kunokwanisa kukwidza izwi rekunyunyuta kwavo.

Asi mabiko emitambo yenhabvu aya ari kutanga mangwana nemumwe mutambo mukuru uri kuMandava Stadium, uko zvikwata zvine mari zhinji zvinoti FC Platinum neNgezi Platinum Stars zviri kusangana.

Pakapedzisira kutamba zvikwata zviviri izvi FC Platinum yakakunda 1-0 munhandare imwecheteyo mufainari yeChibuku Super Cup.

Kunyange hazvo izvi zvave nenguva zvaitika, munyori wezvemitambo wenhabvu Admire Muhimeke anoti semaonero ake ‘Kugona Kunenge Kudada’ inokunda zvekare.

Dynamos ndiyo imwe yezvikwata zviri kufamba zvakanaka panguva ino.

Mangwana, Dembare ine ZPC Kariba muNational Sports Stadium mumutambo uyo murairidzi wayo Tonderai Ndiraya anoti vari kupinda munhandare kunofadza vateveri vavo.

Asi Dynamos yakakunda haikwanise kusvetuka Chicken Inn iyo iri pachinhanho chechipiri, uyezve iri kutarisirwa kurova Black Rhinos muLuveve mangwana zvekare.

Nesvondo, chikwata chiri kutungamira makundano aya Manica Diamonds chiri munzira kuenda kumaruwa eMhondoro-Ngezi kunobandana neCranbourne Bullets munhandare yeBaobab Stadium.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi, Mugovera Yadah vs Bulawayo City - Baobab.

Nesvondo Tenax vs Herentals -Sakubva, Chiefs vs Harare City - Luveve, Triangle vs Hwahwa - Gibbo Stadium kuchitiwo Cranbourne Bullets vs Manica Diamonds - Baobab.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG