Accessibility links

Breaking News

Vamwe vagari vekuTyrone kuMhondoro-Ngezi Vakatorerwa Mafuro eMombe Dzavo Vachakangomirira Pundutso Yavakavimbiswa. 


Mombe dzevarimi vekuMhondoro-Ngezi

Vamwe vagari veku Tyrone kuMhondoro-Ngezi mudunhu reMashonaland West vakatorerwa nzvimbo yemafuro emombe dzavo ichipihwa kambani yekupfuya mombe vanoti hapana pundutso yavari kuwana sezvavainge vakavimbiswa.

Vagari ava vanosvika makumi masere vakatorerwa imwe nzvimbo yavo
yemafuro emombe inosvika mahekita zviuru zvishanu ikapihwa kambani
yekupfuya mombe dzemukaka nedzenyama yePalmline Investments makore mana apfuura nehurumende kuburikidza nebazi rezvekurima.

Kunyange pakutanga vagari ava vainge vatsika madziro vachiti havadi
nenzvimbo yavo vebazi rezveminda pamwe namudzviti vakavavimbisa kuti
chirongwa chekuchengeta mombe ichi chaitsigirwa nehurumende.

Vagari vainge vavimbiswa kuti vaizowaniswa mabasa, kutengwa
kwechibage chavo chekupa mombe pamwe nekuchinjana mombe nevagari kuti vagari vaite mombe dzakakura uye dzemhando yepamusoro kana kuti cross breeding.

Asi vagari vanoti hapana zviri kuitika vachiti purojekiti iyi yave
kuyamura vakuru vemugodhi weNgezi-Platinum.

Mumwe mugari wekuTyron, VaAndrew Manyowa, vanoti vagari hapana chavari kuwana pane zvose zvakavimbiswa.

Mumwe mugari, VaNyasha Chamisa, avo vainge vavimbiswa
kuzovandudzirwa mhando yemombe dzavo, vanoti hapana chati chaitika
sezvo vekambani yePalmline vave kuti mombe dzavo hadzifanirwe
kusangana nedzavo.

VaChamisa vanoti mombe dzavo dzave kunzi dzine zvirwere zvekuti
pakatoiswa waya kuti dzisasangane.

Mumwe mudzimai, Amai Chenai Kadhani, avo vanoti vainge vavimbiswa
bhizinisi rekutengesa mukaka, vanoti hapana chavari kuwana.

Palmline Holdings, iyo inove muridzi wePalmline Investments, ine chibvumirano neZimplats, iyo yakapa kambani yekupfuya mombe nzvimbo inosvika mazana matatu nemakumi maviri ezviuru zvemahekita.

Mutauriri weZimplats, Amai Busi Chindove, varamba kutaura nezvenyaya iyi kana kujekesa kuti kambani yavo inowana chii kubva muchibvumirano chayo nePalmline Investments.

Mukuru wekambani ye Palmline Investments, VaTafadzwa Chinyanyiwa,
varamba kutaura neStudio 7 nezvenyaya iyi.

Asi kanzura wenzvimbo iyi, VaAgripa Chiwara, vanoti purojekiti iyi hapana
zvayati yave kuyamura vagari nazvo. Vanotiwo havawone ramangwana
rakajeka nekambani iyi.

Kambani yePalmline Investments yakakoka mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gore rapera kuti vaparure chirongwa chekupfuya mombe ichi muna Nyamavhuvhu.

Chirongwa ichi chakaparurwa nemari inosvika mamiriyoni gumi nemashanu emadhora ekuAmerica.

Hurumende inoti pasi pehurongwa hwayo hwekupfuya mombe, inotarisira kuti bhizinesi iri richakwira kusvika pamabhiriyoni masere nemazana maviri emamiriyoni emadhora ekuAmerica panosvika gore ra 2025.

Palmline yakazivisawo kuti ine hurongwa hwekukudza kuchengetwa kwemombe kusvika pabhiriyoni imwechete nemazana mapfumbamwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica panosvika gore ra 2025.

Asi vagari vemunzvimbo iyi vakaita saAmai Kadhani vanoti vakatambiswa mbora risina mweya pavakaudzwa nezvehurongwa uhu.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG