Accessibility links

Breaking News

Mapato Ari Kupinda Musarudzo dzeBy-Election Oita Gadziriro Dzekupedzisira Mamwe Achinyunyuta neKushungurudzwa kweNhengo Dzawo


Mapurisa ari kupomerwawo mhosva yekurambidza mamwe mapato anosanganisira reCitizens Coalition for Change neMDC-T kuita misangano yawo achinzi kunenge kuine misangano yeZanuPF.
Mapurisa ari kupomerwawo mhosva yekurambidza mamwe mapato anosanganisira reCitizens Coalition for Change neMDC-T kuita misangano yawo achinzi kunenge kuine misangano yeZanuPF.

Panguva iyo vanoongorora zvematongerwo enyika nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vari kunyunyuta kuti mhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuramba ichikwira munyika, mapato ari kukwikwidza musarudzo dzema by-election dziri kuitwa musi wa 26 mwedzi uno ave mushishi kumhanya nendima yekutsvaga rutsigiro kekupedzisira.

Mapato akawanda akaronga misangano kubva neChishanu, mimwe misangano neMugovera, vamwe vachiita misangano yavo neneSvondo, vamwe neMuvhuro unouya kana neChipiri vachiedza kubata vanovhota nguva yekuvharwa kwekutsvagwa kwerutsigiro isati yasvika.

Zvinonzi pamutemo mapato anobvumidzwa kutsvaga rutsigiro kusvika pamazuva mana sarudzo dzisati dzaitwa.

Mamwe mapato ari kunyunyuta kuti ari kunyimwa mvumo nemapurisa yekuita misangano yawo mune mamwe matunhu achiudzwa kuti kunenge kuine mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiitawo misangano nenhengo dzebato ravo ikoko.

Mutauriri weMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, iyo iri kupinda musarudzo idzi seMDC Alliace, VaWitness Dube, vanoti vakarambidzwa kuita musangano wavo kuBinga musi wa 21 unove Muvhuro unouya vachinzi nekuti kunenge kuina VaMnangagwa, mapurisa achiti haazokwanisi kutarisa misangano miviri iyi.

Asi VaDube vanoti vakatoshamiswa nazvo sezvo vakanga vari ivo vakanga vatanga kuzivisa mapurisa kuti vari kuda kuita musangano wavo ikoko ye vakanga vatombopiwa mvumo yekuita musangano uyu.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato idzva rePatriotic Zimbabweans, VaPishai Muchauraya, vanotiwo bato ravo harisi kusangana nematambudziko ekurambidzwa kuita misangano yavo sezvo vasingatsvage mvumo kubva kumapurisa kana kuazivisa kuti vari kuita misangano yavo.

Ukuwo, Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, yakatozivisawo kuti yakatodhinda kare mapepa ekuvhotesa, uye vose vari kukwikwidza musarudzo idzi vave kukwanisa kuwana gwaro revavhoti, kana kuti voters’ roll.

ZEC yakazivisa kuti vanhu vanosvika zviuru mazana masere negumi nezvitatu nemazana matanhatu ane makumi mashanu nevapfumbamwe, kana kuti 813 659 vakanyoresa kuvhota musarudzo yevamiriri vedare reparamende.

Vamwe zviuru mazana matanhatu nemakumi manomwe nezvisere zvine mazana maviri nemakumi matanhatu, kana kuti 678 260 vanonziwo vakanyoresawo kuvhota musarudzo yemakanzuru.

Asi VaDube vanoti bato ravo harisi kugutsikana negadziriro iri kuitwa neZEC pasarudzo idzi, vachipa muenzaniso wekudhindwa kwakaitwa mapepa ekuvhotesa mapato ezvematongerwo enyika asingazive.

VaMuchauraya vanoti sebato idzva, havakwanise kunyanya kutaura pamusoro pezviri kuitwa neZEC kunze kwekungoti chete vari kuona sekunge ZEC iri kunyanya kuwanza misangano nemapato ezvematongerwo enyika ari kupinda musarudzo, zvavanoti zvakanangana nekuda kukanganisa mutsvaga rutsigirio.

Mapato gumi nematanhatu kana kuti 16 akanyoresa kuti achakwikwidza musarudzo idzi.

Mapato aya anoti reCitizen Coalition for Change, Zanu PF, All People's Party, Democratic Opposition Party, Federation of African State, Free Zimbabwe Congress, Labour, Economists and African Democrats, MA'AT Zimbabwe, Movement for Democratic Change Alliance.

Mamwe ari kukwikwidza anoti New Patriotic Front, Patriotic Zimbabweans, Republican Party of Zimbabwe, United Democratic Alliance, United Zimbabwe Alliance, Zimbabwe African People's Union neZimbabwe Labour Party.

Kune zvigaro makumi maviri vezvisere zvedare reparamende pamwe nezvigaro zana nezvishanu zvemakanzuru zvichakwikwidzwa musarudzo idzi.

Hurukuro naVaPishai Muchauraya pamwe naVaWitness Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG