Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume, 17, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vomhan’arirwa kuZimbabwe Anti-Corruption Commission vachipomerwa mhosva yehuori pakutengwa kwepombi dzekugaya mvura muHarare.

Vanhu vakawanda munyika voshora zvikuru kurohwa kunonzi kwaitwa mutsigiri weCitizens Coalition for Change VaGodfrey Cidhawu Kanembe vanozivikanwa nekuti Madzibaba veshanduko.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vobatana nevamwe vatungamiri kurufu rwevaive mutungamiri wenyika yeZambia, VaRupiah Banda.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzozeya nezvegadziriro dzemapato ezvematongerwo enyika ari kupinda musarudzo dzema by-election dziri kuitwa mwedzi musi wa26, uye maonero adzo nezvegadziriro yeZimbabwe Electoral Commission.

Hondo yemuUkraine yoenderera mberi vanhu vakawanda kusanganisira vana vadiki vanaodarika zana vachifa.

Muchirongwa cheWomens Round Table chatinotaura nezvinosangana nemadzimai muhupenyu hwavo nhasi na8pm tiri kutarisa nezvemusangano weUnited Nations wepagore uri kutariasa mamiriro akaita zvinhu kumadzimai kana kuti Status of Women uye zviri kuitika kuUkraine.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG