Accessibility links

Breaking News

Madzimai Matatu emuAfrica neVamwe Vopihwa Mibayiro Yekushinga neAmerica


Mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Jill Biden pamusangano wegumi nennhatu kana kuti 16th International Women of Courage (IWOC) Awards unoitwa kamwe chete pagore.
Mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Jill Biden pamusangano wegumi nennhatu kana kuti 16th International Women of Courage (IWOC) Awards unoitwa kamwe chete pagore.

America nezuro yakapa mibayiro kumadzimai gumi nemaviri kubva kuLiberia, Libya, South Africa, Brazil, Nepal, Bangladesh nedzimwe nyika mibayiro inopihwa madzimai anenge achishanda kurwisa huori, mhirizhonga yemudzimba, rusaruraganda nezvimwe kuti pasi rino rive nerunyararo.

Madzimai matatu emuAfrica akawana mibayiro anoti Amai Roegchanda Pascoe vekuCape Town South Africa vanobatsira varombo kuma Cape Flats. Amai Facia Boyenoh Harris vekuLiberia vanoshanda kusimudzira vadzidzi vanobva kdzimba dzevanononga svosve nemuromo uye Amai Najla Mangoush veku Libya vakave mudzimai wekutanga kuva gurukota rezvekudyidzana nenyika kuLibya

Mibayiro iyi inopihwa madzimai gumi nevaviri pagore negurukota rezvekudyidzana kwedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken nemudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Jill Biden.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG