Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T uye vachitungamira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora vanoti vari kuda kuita nhaurirano nemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa vachiti zviri kuitwa nePolad parizvino hazvina zvazvinonyatsobatsira.
Tayedza kubata mutauriri webato rezanu-pf VaChris Mutsvangwa asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi mutauriri werimwe bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti bato ravo parizvino rakangotarisa zvakanyanya nyaya yesarudzo dza2023 uye kana paine nhaurirano dzinoda kuti dziitwe, dzinofanira kunangana nekuona kuti sarudzo dzaitwa zvakachena.
Vati izvi zvikaitika vanokunda sarudzo zvine mutsindo zvekuti panenge pasina chinangwa chekuti paitwe hurumende yemubatanidzwa.
Facebook Forum