Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Voronga Nhaurirano naVaMnangagwa Asi CCC Inoti Inoda Sarudzo Dzakachena Chete Muna 2023


VaDouglas Mwonzora vari kutunganmira Movement for Democratic Change Alliance musarudzo
VaDouglas Mwonzora vari kutunganmira Movement for Democratic Change Alliance musarudzo

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T uye vachitungamira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo VaDouglas Mwonzora vanoti vari kuda kuita nhaurirano nemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa vachiti zviri kuitwa nePolad parizvino hazvina zvazvinonyatsobatsira.

Tayedza kubata mutauriri webato rezanu-pf VaChris Mutsvangwa asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mutauriri werimwe bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Fadzai Mahere vaudza Studio 7 kuti bato ravo parizvino rakangotarisa zvakanyanya nyaya yesarudzo dza2023 uye kana paine nhaurirano dzinoda kuti dziitwe, dzinofanira kunangana nekuona kuti sarudzo dzaitwa zvakachena.

Vati izvi zvikaitika vanokunda sarudzo zvine mutsindo zvekuti panenge pasina chinangwa chekuti paitwe hurumende yemubatanidzwa.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG