Vateveri vemitambo vatarisana nemitakunanzwa kubva ku rugby kusvika kunhabvu mukupera kwesvondo.
Mitambo iyi iri kusimuka mangwana nefainari yeNedbank Rugby Challenge 2022 pakati peOld Georgians neOld Hararians munhandare yeHarare Sports Club.
Pese panosangana zvikwata zviviri izvi hapadaidzwe anonzwa zvekuti murairidzi weOld Hararians Derek Chiwara ari kuvimbisa mutambo wemhando yepamusorosoro.
Aya ave magumo emakundano ayo akatanga aine zvikwata zvisere uyezve achiteverwa nechaunga svondo rega rega.
Chiwara anoti chese chinonzi fainari chakaoma asi pakugumisira ari kutarisira kuti Old Hararians ndiyo ichapinda mumhemberero yakunda.
Old Georgians iri kukanda vatambi vayo vane mbiri kusanganisira Keith Murray naJeremiah Jaravaza, ukuwo Old Hararians iine vayowo Simba Mandiona naTich Makwanya.
Chimwe chezvikwata izvi chiri kuenda kumba nemukombe sezvakangoitikawo kunhabvu mushure mekunge FC Platinum yakatora mukombe weChibuku Super Cup mushure mekunge yarova Ngezi Platinum Stars.
Asi mangwana, FC Platinum haina mutambo wemukombe asi weligi apo iri kusangana neBlack Rhinos kuSakubva Stadium kwaMutare mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League.
FC Platinum, iyo yakatora mukombe weligi mwaka mitatu ichangopfuura iri kuda kukunda kuti isimbise mukana wayo wekutora mukombe uyu zvekare.
Asi pari zvino, makundano aya ari kutungamirwa neChicken Inn iyo iri munzira kuzobandana neHarare City muNational Sports Stadium muHarare mangwana zvekare.
Manica Diamonds neTriangle dziri kuda kuti Chicken Inn itsvedze mumutambo uyu.
Asi Manica Diamonds neTriangle dziri kusangana neSvondo zvekuti chimwe chezvikwata izvi hachikwanise kusvetuka Chicken Inn kana ikakundwa.
Dynamos ine mutambo wakapfava pamusha neTenax asi Highlanders ine Herentals iyo iri kufamba nzira inofadza mazuva ano.
Bosso ine mapoinzi mashanu chete uyezve iri pachinhanho chegumi neina asi Herentals iri kubhururuka iri pachinzvimbo chechishanu.
Mimwe mitambo yarongwa yakamira seizvi.
Mugovera, ZPC Kariba vs Bulawayo Chiefs - Nyamhunga
Ngezi Platinum vs Cranbourne - Baobab
Byo City vs Caps United - Barbourfields.
Nemusi weSvondo Hwahwa vs Yadah - Ascot.
Facebook Forum