Accessibility links

Breaking News

Vabereki Voremerwa neMari dzeChikoro Dzave kuWedzerwa neZvimwe Zvikoro muMasvingo


Zvikoro zvizhinji zvinonzi zviri kukwidza mari dzekuripira nezvikamu zvinodarika zana kubva muzana.
Zvikoro zvizhinji zvinonzi zviri kukwidza mari dzekuripira nezvikamu zvinodarika zana kubva muzana.

Vamwe vabereki mudunhu reMasvingo vari kuchemachema kuti vari
kunzi vawedzere mari dzechikoro pasina kana mwedzi vabhara imwe
pakavhurwa zvikoro, vachiti mari iri kudiwa yakawandisa uye havaikwanisi.

Vabereki vanoti vakatambira tsamba kubva kuzvikoro izvo vanoti zvakawedzera
mari nezvikamu zvinopfuura zana kubva muzana zvichiti mitengo yezvinhu
iri kuramba ichiita chamurambamhuru munyika.

Vakuru vezvikoro vanoti mari yakabharwa nevabereki mwedzi wapera
haichakwani kutenga zvinodiwa muzvikoro.

Zvinhu zvizhinji zviri kukwirwa munyika zvichikonzerwa nemutengo
wemafuta edzimotokari uri kukwira pasi rose kubva zvakatanga kupambwa
kwenyika yeUkaraine neRussia.

Amai Joyce Mhungu vemumusha wekwaMajange, vanoti mari iri kudiwa
yakawandisa uye havana kwekuiwana.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe mubereki, VaTawanda Mhungu, avo vati mari
dzechikoro idzi dzawedzerwa vasati vafema nekudaro zvinonetsa kuti
vatange kutsvaga mari iri kudiwa.

Vakuru vezvikoro varamba kutaura neStudio 7 panyanya iyi vachiti
havatenderwi nebazi rezvedzidzo yepasi kutaura nevatori venhau.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi munyika, VaTaungana Ndoro, vati
zvikoro hazvifaniri kuwedzera mari dzechikoro dzisina kuwiriranwa
nevabereki.

Zvikoro zvakawedzera mari zvinosanganisra Hellen Macgie, iyo yakawedzera
nezviuru gumi nezviviri zvemadhora emunyika kubva pazviuru zvinomwe zvemadhora zvakabhadharwa mwedzi wapera.

Francis Aphiri yakawedzerawo mari nezviururu zvitatu zvemadhora kubva pazviuru zvitatu zvemadhora zvakabhadharwa mwedzi wapera, pamwe neBon Bosco neRunyararo Adventist Primary.

Zvikoro zvizhinji zvine vana vanogarapo zvakashevedzera misangano
pakupera kwesvondo rino kuti zvikwidzewo mari.

Vabereki kuzvikoro uku vakabhara mari dzaitangaira pazviururu makumi
manomwe kusvika pazviuru zana.

Zvichakadaro, mutungamiriri wesangano reAmalgamated Rural Teachers
Union, VaObert Masaraure, vati nhasi vaparura chirongwa chekuratidzira
pamadandemutande vachitsutsumwa kushungurudzwa kwavanoti kuri kuitwa vadzidzisi avo vari kuramwa mabasa vachida kuwedzerwa mari yemihoro.

Nyaya yezvikoro ina Godfrey Mtimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG