Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume, 10, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zimbabwe International Trade Fair inoti mutungamiri weKenya VaUhuru Kenyatta ndivo vachavhura zviri pamutemo musangano wekutengeserana wegore rino kuBulawayo.

Hurumende yoshushikana nekuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19.

Mumwe mushandi weboka reZimbabwe Media Commission kana kuti ZMC
awanikwa asina mhosva panyaya yaange achipomerwa yekuti akabatsira
vamwe vatori venhau vaviri vebepanhau rekuAmerica kupinda munyika
zvisiri pamutemo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika votarisa zviri kuitwa nemapato ezvematongerwo enyika mugadziriro dzesarudzo dzema by-elections dziri kuitwa mwedzi uno, apo mamwe mapato ari kupomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga uye kutyisidzira vanhu kuti vaavhotere.

Muchirongwa cheWomens Round Table chatinotaura nemadzimai, nhasina 8pm tiri kuita hurukuro nenyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika uye zviri kuitika kuUkraine uko kune vadzidzi vakawanda kubva kuZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG