Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti muNyika Maberekera Ingwe


Nhengo dzeCitizens Coalition for Change dzakarohwa kuKwekwe
Nhengo dzeCitizens Coalition for Change dzakarohwa kuKwekwe

Bato reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC riri kuyambira kuti mhirizhonga iyi ikasagadziriswa nemasangano akaita seNational Peace and Reconciliation Commission uye Zimbabwe Human Rights Commission sarudzo dza2023 dzichaita mhirizhonga inotyisa.

Izvi zvinotevera kurwiswa kwenhengo dzebato iri dziri kukwikwidza musarudzo dzekuva makanzura kuMashonaland Central nekuHighfield muHarare nedzinofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu-PF dzinonzi hadzisikusungwa sezvo mapurisa ari kupomerwa mhosva yekutora divi.

Bato iri rakurudzira zec kuti ipindirewo nekuumba mubatanidzwa wemasangano ari kukwikwidza musarudzo kuti aise musoro pamwe chete. Asi svondo rapera sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vakaudza vatori venhau kuti maoko avo akasungwa uye bato ravo harina chari ngaite pamutemo kumisa mhirizhonga.

Vari kukwikwidza musarudzo dzekuvakanzura kuGuwa, Bindura Mashonaland Central vakamirira bato reCitizens Coalition for Change VaOswell Shambare vanonzi vakapona nepasaka reshumba mushure mekunge vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vayedza kuvapisira mumba mavainge vakarara.

VaShambare vakaudza vatungamiri vebato ravo vakavashanyira nemusi kuti vakanzwa mazwi evanhu vaiti vari kuda kuvaita kafirambere. Vatungamiri vebato iri vakavashanyira vanosanganisira vakafanobata chigaro chemunyori webato

VaCharlton Hwende, vanoona nezve magariro evanhu Muzvare Maureen Kademaunga uye vanoona nezvekutsvaga rutsigiro kumaruwa VaHappymore Chidziva nevamwe.

Muzvare Kademaunga vaudza Studio 7 kuti VaShambare vanonzi vakarasikirwa nemabhasikoro avo, uye chikafu chavaida kupa vanhu panyaradzo yaamai vavo avo vakashaya.

Imwe nhengo yebato iri VaMaxwell Dutuma vari kukwikwidza muward 26 kuHighfield West vanonzi vakapambwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vakarohwa zvakaipisisa asi pavakaenda kunomhan’ara vakabva vasungwa ivo uye vari kuLaw and Order nhasi vachipomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi sezvo tichitema tisina divi ratakarereka tabatawo mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati bato ravo riri kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG