Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ocherechedza Zuva Ravo Achichema Chema Kuti Mitemo ichiri Kuvashayisa Mikana


Madzimai achicherechedza zuva ravo muHarare
Madzimai achicherechedza zuva ravo muHarare

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva remadzimai kana kuti International Women’s Day madzimai akawanda achigunun’una kuti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa kuti vawaniswe mikana yakafanira.

Vachitaura pamhemberero dzezuva remadzimai kana kuti International Womens Day dzaitirwa muHarare nhasi, vanotungamirira Zimbabwe Womens Lawyers Association, Amai Abigail Matsvai vati mimwe mitemo iri kushandiswa haifambirani nekusimudzirwa kwekodzero dzemadzimai sezvinotaurwa nebumbiro remitemo yenyika.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Edna Masiiwa vanotungamirira Women in Action Group avo vapawo muenzaniso wekodzero yehutano yavati kunyangwe iri mubumbiro, haisi kucherechedzwa.

Mukuru weZimbabwe Gender Commission, Amai Virginia Muwanigwa vakurudzir hurumende kuti izadzikise zviri mubumbiro remitemo renyika. Amai Muwanigwa vakurudzirawo kuti madzimai awanikwewo muhurukuro dzinechekuita nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Mumwe mugari wekuMwenezi Amai Accelia Madzikanda avo vanga vachiratidzira mabasa emaoko pamhemberero dzezuva ranhasi vanga vatiwo kunyangwe hazvo varikuita mabasa emaoko senzira yekusimudzira hupenyu hwavo, vanodawo kuwaniswa kwekutengesera zviwanikwa zvavo. Vachema chemawo nekushanduka kwemamiriro ekunze vakatiwo vanoda kuti dzidziso kuvanhurume dzekukosha kwemadzimai dziwedzerwe.

VaCleto Manjova mutevedzeri wemumiririri weOXFAM muZimbabwe vatiwo varikukurudzira kuti hurumende nemamwe masangano akazvimirira abatsire kurerutsa mabasa anoitwa nemadzimai.

Vachitaurawo pamhemberero dzanhasi, mutevedzeri wegurukota mubazi rinoona nezvemadzimai, Amai Jennifer Mhlanga vatendawo kuti kunyangwe hazvo paine zvagonekwa mukusimudzira madzimai rwendo rwuchiripo.

Amai Mhlanga vachemachemawo nekukwira kwenyaya dzemhirizhonga munyika vakakurudzira madzimai kuti ashandise maOne Stop Centers dzinova nzvimbo dzakagadzirirwa nehurumende kubatsira madzimai anenge ashungurudzwa kana kumbunyikidzwa.

Zuva remadzimai rinocherechedzwa musi wa8 Kurume gore rega rega. Zimbabwe yacherechedza zuva iri pasi pedingindira rinotarisisa zvakadzama nyaya yekusimudzira madzimai apo vanosangana nematambudziko nekuda kwekushandukao kwemamiriro ekunze kana kuti “Gender Mainstreaming and Women Empowerment in Climate Change and Disaster Risk Manangement.

Pasi rese racherechedzawo zuva iri pasi pedingindira rakanangana nekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi kuti pave nerengwana rakajeka.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG