Accessibility links

Breaking News

"Endai Kunobatsira Ukraine Isu Tozvibatsira": Hurumende Youdza Masangano Akazvimirira


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa

Mamwe masangano anoshanda akazvimirira kana kuti maNon-Governmental Organisation -NGO-anoti vanhu vemuZimbabwe vanoda ruyamuro zvakangofanana nevanhu venyika yeUkraine.

Gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi avo vakamboudza Studio 7 kuti chimwe chikonzero chekuvandudza mutemo we PVO Act kuda kuzadzikisa zvakatarwa neFAFT havana kuda kupindura mubvunzo wedu pakuti vachaenderera mberi here nekuvandudza mutemo uyu sezvo nyika isisiri panyika dzisina mitemo yakajeka pakurwisa vanopfurikidza mwero.

VaZiyambi vati titaure negurukota rezvekufambiswa kwemabasa nemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima avo vanga vasinga davire nharembozha yavo

Asi gurukota redunhu reMidlands VaLarry Mavima vanoti Zimbabwe ine masangano akazvimirira olga akawandisa vachiti ngavaende kuUkraine mine hondo.

Vati masangano akazvimiririra ega zviuru makumi matatu nezvitanhatu kana kuti 36 000 arikushanda munyika yose zvichienzaniswa nemisha zviuru makumi matatu nezvishanu kana kuti 35 000.

VaMavima vati mamwe masangano akazvimirira arasa gwara ravo sezvo ave kuita zvematongerwo enyika.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition - VaObert Masaraure vanoti nyika yeZimbabwe yakangofanana nenyika yeUkraine vachiti dzose dzinoda rubatsiro.

VaMasaraure vati VaMavima havana ruzivo rwekushanda kwemasangani akazvimirira vachiti haashande chete kunyika dzinotambura asi kunyange munyika dzine hupfumi achiona kuti dzihurumende dziri kugova hupfumi munyika zvakaenzerana here.

Izvi zvatsigirwa nemukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum VaMusa Kika avo vati hurumende haina kubudirira zvekukwanisa kuchengeta vagari vayo vose zvakanaka sezvo ichida kubatsirwa kuti iwanire vanhu zvekudya, zvehutano pamwe nezvedzidzo.

Hurumende inoti iri kuda kuvandudza mutemo wePrivate Voluntary Organisations kuti ikwanisewo kumisa kufambisa kwemari inechekuita nezvehugandanga pamwe nekuona kuti mari dziri kushandiswa basa radzakapemherwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG