Accessibility links

Breaking News

Masvingo Yotarisana neNzara Inotyisa Sezvo Mvura Yarambira Mudenga


Vamwe varimi mudunhu reMasvingo nemamwe matunhu vanoti vatarisana nenzara yakaoma sezvo pasina chichabuda muminda mavo sezvo zvirimwa zvakapera kutsva apo mvura yarambira mudenga,

Varimi vataura neStudio 7 mumaruwa ekwaGutu, Mwenezi, Zaka, Chivi pamwe neNemanwa vanoti kunyange mvura ikauya hapana chavachawana
nekuti zvirimwa zvakatotsva sezvo mwedzi wese waKukadzi wakapera kusina kumbonaya kusvika parizvino.

Mumwe murimi wemudunhu reNemamwa , VaHenry Makusha, vanoti vakatarisana nenzara yakaoma gore rino sezvo vasina kana chekunhonga mumunda mavo.

Izvi zvatsinhirwa naAmbuya, Rosina Gonese, vemuraini rekwaMakonese, kwaGutu, avo vati gore rino chero Mhunga neRukweza izvo zvisingadi mvura yakawanda zvakatsvawo.

Mumwe murimi wekuMwenezi, VaCuthebert Mashoko, vati kunze kwezvirimwa zvipfuwo zvakaita semombe zvirikufawo nekushaikwa kwemvura yakakwana
pamwe nezvimwe zvirwere zvakaita seJanuary Disease.

Hurumende inoti chirwere cheJanaurary disease chauraya mombe dzinopfuura mazana mana munyika kubva gore richitanga.
Vamwe varimi vanoti nemamiriro akaita mamiriro ekunze hapana chavachatarisisa uye vanotarisira kuti hurumende ichadeedzera kuti gore rino igore renzara pachinenguva vanhu vazowane rubatsiro.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima munyika, Dr Anxious Masuka, kuti tinzwe divi divi ravoo pamamiriro akaita zvirimwa munyika sezvo nhare yavo yange isiri kudairwa.

Asi munyori mukuru mubazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko munyika, VaNick Mangwana, vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti hurumende yavekutanga chirongwa chekushandisa ndege dzinopfapfaidza mushonga mumakore kana kuti cloud seeding kuti mvura inaye ibatsire zvimwe zvirimwa zvisati zvanyanya kutsva.

Mukuru webasa musangano rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union(ZFU), VaPaul Zakariya, vanoti zvirimwa zvave kutsva munyika kunyanya munzvimbo dziri kumatunhu eMasvingo, Matebleland South neManicaland.

Sangano reFamine Early Warning Systems Network (FEWSNET) rinoti zvirimwa zvizhinji munyika zviri kutsva nezuva uye vanhu vanoda chikafu vachawedzera munyika gore rino.
FEWSNET inoti hurumende pamwe nemasangano akazvimirira vanotarisira kubatsira vanhu vanosvika mirioni imwe chete nezviurru mazana mashanu kubva muna Ndira kusvika kupera kwaKurume.


Sangano iri rinoti gore rino goho rechibage richatengeserwa bazi reGrain Makerting Board(GMB) richadzika kubva pamatani zviruru mazvana mapfumbamwe nepfumbamwe 990 000 metric tonnes.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG