Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Kusanganisira Vana veChikoro Vobatwa neChirwere cheCovid-19 Zvekare


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira.

NeMugovera vanhu mazana maviri nemakumi masere vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho mukati memazuva manomwe adarika vave zviuru zvitatu nemazana maviri negumi nevashanu kana kuti 3, 215.

Vakabatwa nechirwere ichi mumazuva manomwe kusvika nemusi weSvondo, svondo rapera vaiva zviuru zviviri nnemazana mashanu nemakumi manomwe nevapfumbamwe kana kuti 2, 579.

NeMugovera bazi rezvehutano rakati kusvika nezuro vana vechikoro chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi maviri nemumwe kana kuti 1, 221 vainge vabatwa nechirwere ichi kubva musi wa 15 Kukadzi.

NeMugovera hakuna munhu akafa nechirwere ichi zvasiya vafa nacho vachiri zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemanomwe kana kuti 5, 379.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG