Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inofadza Vatsigiri Vayo neKukunda


Chikwata cheDynamos

Mhuri yeDynamos iri murufaro mushure mekunge chikwata chayo chafamba rwendo rwurefu ndokunokunda.

Vateveri vechikwata ichi vari murufaro mushure mekunge Dembare yarova Bulawayo Chiefs 2-0 muLuveve Stadium kwapera svondo vabva mukurohwa 1-0 neChicken Inn.

Chanyanyofadza vatsigiri veDembare ava ndechekuti Bulawayo Chiefs yatambidzwa penareti mutambo wavekupera iyo mubati wavo wepagedhe Tymon Mvula abata.

Kukunda uku kwasiya Dynamos yapinda mumapoinzi gumi kubva mumitambo mitanhatu.

Dembare yave pachinhannho chechishanu petafura yePSL pasi peManica Diamonds, Chicken Inn, FC Platinum, neTriangle.

Vaimboita zvekushambadza zita reDembare padandemutande VaPeter Mutsvairo vanoti kukunda uku kunobatsira zvikuru murairidzi wavo Tonderai Ndiraya uyo vamwe vanga voti asiiswe basa.

Asi Dynamos haisi yega murufaro mushure mekunge FC Platinum yarovawo Harare City 1-0 muMandava Stadium.

FC Platinum yave pachinhanho chechitatu nemapoinzi gumi nerimwechete, mapoinzi maviri pasi peManica Diamonds iyo iri kutungamira.

Manica Diamonds yaramba iri pamusoro nekutora poindi kunze kwemusha mushure mekuita mangange 1-1 neYadah.

Herentals yakatarika asi ndokuzoita mangange 1-1 neBulawayo City.

Asi murairidzi weHerentals Kumbirai Mutiwekuziva anoti haasi kurota zvemukombe asi kuita zviri nani kudarika zvemwaka wakapera.

Mimwe mitambo mishanu mugungano rePSL iri iriko neSvondo.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG