Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMutungamiri weZanuPF, VaChiwenga, Vokurudzira Veruzhinji Kusiyana neMhirizhonga


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare mutevederi wemutungamiri weZanu PF, VaConstantino Chiwenga.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare mutevederi wemutungamiri weZanu PF, VaConstantino Chiwenga.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika varizve mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu PF VaConstantino Chiwenga vanoti vanhu vanofanirwa kusiyana nezvemhirizhonga vachiti vanofanirwa kugara murunyararo zvisinei nekutsigira mapato akasiyana ezvematongerwo enyika.

VaChiwenga vashorawo mapato anopikisa nekwavati kutadza kutungamira mumadhorobha aannotungamira makanzuru.

Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro rwema by-election muBulawayo nhasi, VaChiwenga vati veruzhinji munyika vanozivikanwa vachifarira runyararo vakati hazvikodzeri kuti vanhu vaite mhirizhonga nekuda kwezvematongerwo enyika sezvo vari vanhu vamwe chete.

Vati vanhu vanofanirwa kurangarira kuti kuve mumapato anopikisa hurumende hazvirevi kuti vacharamba vari saizvozvo nekudaro zvakakosha kuve nerunyararo zvisineyi nekutsigira mapato ezvematongerwo enyika akasiyana.

VaChiwenga vati vemapato anopikisa havana kana zano rimwe chete rekuunza budiriro munyika vakati hurumende yeZanu PF ndiyo ine hurongwa hwakajeka hwekusimudzira nyika, vachiti bato ravo rinoda kuti pasave nevanhu kana nzvimbo munyika zvinosarira kumashure munyaya dzebudiriro.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reZanu PF vatiwo vanoziva kuti pari zvino vanhu vari kuomerwa nehupenyu nekuda kwekushaya mari inovakwanira mukurarama zuva nezuva, vakapa yambiro kune vamwe vemabhizimisi avo vavati vari kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu kusina tsarukano.

VaChiwenga vashorawo vemapato anopikisa avo vati vari kukonzera kuwondomoka kwezvinhu mumadhorobha avanotungamira nekuda kwekwavati kushaya hanya nezvido zvevanhu.

Asi mutauriri webato reMDC-T, VaWitness Dube, vati mashoko aVaChiwenga anoratidza kusada kutarisana nechokwdi chekuti hurumende yeZanu PF ndiyo iri kukonzera matambudziko akawanda munyika, kunyanya mumakanzuru emumadhorobha nekupindira kwainoita mumashandiro awo.

VaChiwenga vange vambotaura kune vamwe vagari vemumusha wePumula East mangwanani pachiitiko chekukurudzira kucheneswa kwenzvimbo, kana kuti Clean-Up Campaign, icho chinoitwa munyika paChishanu chekutanga chemwedzi wega wega. Vakurudzira vechidiki kuti vatsvage mikana yekuita mabhizimisi munyaya dzekuchenesa nharaunda kusanganisira kuita zvinonzi muChirungu recycling kana kugadzira zvinhu zvakasiyana siyana kubva muzvinhu zvinenge zvaraswawo nevamwe.

Zvichakadaro, nhengo dzebato re Citizen’s Coalition for Change, CCC muBulawayo, dzapinda mumigwagwa yeBulawayo nedzimotokari dzichitsvaga rutsigiro pamwe nekukurudzira veruzhinji kuti vaende kumusangano uchaitwa nemutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa wekutsvaga rutsigiro rwema by election munhandare yeWhite City muBulawayo mangwana.

Pakaitika mhirizhonga pamisangano yakaitwa naVaChamisa kuGokwe nekuKwekwe pakupera kwesvondo iyo vebato ravo vanoti yakakonzerwa nevatsigiri veZanu PF, uye vamwe vanotyira kuti mhirizhonga yakadai icharamba ichienderera.

Asi VaFreedom Murechu, sachigaro weboka revechidiki veZanu PF mudunhu reBulawayo vati boka ravo rinoteerera vakuru vemusangano pakukoshesa runyararo.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri webato reCCC muBulawayo VaSwithern Chiroodza sezvo nharembozha yavo yange isingadavirwe.

Asi vachitaura mushure memhirizhonga yakaitika kuKwekwe, VaChamisa vakati mhirizhonga yavakati iri kukonzerwa neveZanu PF, inogona kuita kuti veruzhinji vazoisa mutemo mumaoko avo izvo zvinogona kuzokonzera kusagadzikana munyika.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG